Hove dzakafashaidzwa

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Hove dzakafashaidzwa

Kwayedza

USAVI hwehove haungodi kubikwa huchiitwa zvekukangwa nemafuta bedzi asi kuti zvinodawo kumbosandura musambo.
Svondo rino Sibongile Rusvosvera wekuMasvingo anotsanangudza mamwe mabikirwo ehove dzichiita zvekufashaidzwa.

Zvinodiwa:
Hove nyoro, matomatisi, hanyanisi, garlic, munyu, mafuta, poto kana chikari.

Mabikiro:
Para hove ubvise makwati ose.
Chidzitumbura wobvisa matumbu, dzigeze kusvikira dzachena.
Cheka hove muzvidimbu.
Isa mupoto kana muchikari wodira mvura shoma.
Panguva imwe chete iyi, cheka-cheka garlic,
matomatisi nehanyanisi wokanda mupoto.
Isa zvakare chidimbu chechipunu chemafuta nemunyu wakaringana.
Siya zvikwate kwemaminitsi gumi.
Usapindure nekuti dzinodimbuka-dimbuka.
Kana hove dzaibva, dzinoonekwa nemuto wakakora.
Garlic inobatsira kuti hove dzisaite munhuhwi wadzinowanzoita dzisati dzabikwa.

Wozodii?
Chibura zvako udye nemhuri. Munogona kudya usavi hwehove nesadza kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>