Howa hune dovi

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Howa hune dovi

Kwayedza

MUNGUVA ino yekunaya kwemvura, kunowanikwa mhando dzakasiyana dzehowa dzinosanganisira nhedzi, tsvuke-tsvuke kana kuti firifiti, dindindi, tsuhuri nehuvhe.

Howa hunonaka zvikuru kana hukakaringwa zvakanaka.

Svondo rino Sekuru Jacob Munemo vekwaZimunya, kwaMutare, vanorondedzera imwe nzira yekubika howa.

Zvinodiwa:

Howa hwemando yaunoda, mafuta, munyu, dovi, matomatisi, chikari kana poto nemvura yakachena.

Mabikiro:

Geza howa hwako huchene woisa muchikari.

Isa mvura yakaringana nemunyu wosiya zvichikwata.

Kana mvura yava shoma, isa mafuta mashoma.

Chekera hanyanisi ukange, wozoisa matomatisi.

Isa zvipunu zviviri zvedovi ukurungire parutivi.

Sanganisa nehowa huya wosiya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Pindura zvinyoro-nyoro uchingwarira kuti husamvungunjike.

Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo kana remhunga.

CHIZIVISO: Veruzhinji vanoyambirwa kuti vasangotenga kana kuzvitsvagira howa hwese-hwese sezvo humwe hwacho huchikora – hunouraya. Svondo rino kune vanhu gumi vemhuri imwe chete vekuMberengwa — vapfumbamwe vacho vari vana – avo vakafa mushure mekudya howa hunokora.

 Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281ovi.

 

Share This:

Sponsored Links