HPV: Itai kuti vana vabaiwe

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE, kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, svondo rino yakatanga chirongwa chakakosha zvikuru chinodaidzwa kuti National Human Papillomavirus (HPV) Vaccination Programme icho chakananga kubaya majekiseni ekudzivirira chirwere chegomarara remuromo wechibereko kuvanasikana vane makore ari pakati pe10 kusvika 14 okuberekwa.

Pasi pechirongwa ichi, vanasikana ava vachange vachibaiwa majekiseni pachena muzvikoro zvakatekeshera nyika yose.

Chirongwa ichi chichaitwa kubva musi wa14 kusvika 18 Chivabvu muzvikoro uye kusvika pakupera kwemwedzi uno kumakiriniki nezvipatara apo chinotarisirwa kubatsira vanasikana vanosvika 800 000 nyika yose.

Pasi pechirongwa ichi, vanasikana ava vanofanira kubaiwa majekiseni ekudzivirira gomarara iri kaviri. Nekudaro vanotarisirwa kubaiwa jekiseni iri zvakare pamberi apo kusvika muna Chivabvu gore rinouya.

Chirongwa ichi chakakosha zvikuru sezvo vanasikana vachikwanisa kudzivirirwa kubva kugomarara remuromo wechibereko iro riri kutambudza vanhukadzi vakawanda. Zviri nyore kudzivirira gomarara iri pane kuzomhanya-mhanya kutsvaga rubatsiro chirwere chagodza kana kudingindira mumuviri. Chirongwa chekubaiwa kwevanasikana ichi chakaparurwa zviri pamutemo svondo rapera nemudzimai wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, pachikoro cheChancellor Primary School, kwaMutare. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, vanoti chichaita kuti nyaya dzechirwere chegomarara remuchibereko dzidzikire muZimbabwe. “Ndinoda kuona huwandu hwevanhukadzi vari kubatwa nechirwere ichi huchidzikira. Saka ndinonzwa kudada kuti mapazi maviri eHurumende – bazi rekurerwa kwakanaka kwevana nerepuraimairi nesekondari – abatana mukurwisa kupararira kweutachiona hwakaipisisa uhu uye nekudzivirira vanasikana vedu kuburikidza nekuvabaya majekiseni,” vanodaro.

Vanokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vavatendere vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere chegomarara remuromo wechibereko. Zvakadai, kune vamwe vezvitendero zvakasiyana vasingabvumidze vatendi vavo kuenda kukiriniki zvinove zvisingakurudzirwe uye vakadai ava vanoda dzidziso yakasimba.

Vamwewo ndivo vane pfungwa yekuti havadi kuti vana vavo vabaiwe majekiseni akadai nekuda kwemafungiro avo ekuti vanozorwara zvinove zvisiri izvo.Majekiseni erudzi urwu haangobaiwa vanhu, asi kuti anotanga aongororwa pamwe nekuzotenderwa kuti ashandiswe nesangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO).

Kuitwa kwechirongwa ichi kuri kuuya panguva iyo Hurumende iri kutora matanho ekusimbaradza kurwiswa kwekupararira kwegomarara.

Chirongwa chekutanga chekubaiwa kwemajekiseni eHPV vaccine chakaitwa muna Gunyana 2014 kuBeitbridge nekuMarondera apo vanasikana vanosvika 9 000 vane makore 9 kusvika 14 okuberekwa vakabaiwa kuzvipatara zvainge zvasarudzwa.

Nyanzvi dzeongororo yezveutano dzinoti vanhukadzi vanosvika 2 270 muZimbabwe vanowanikwa vaine chirwere chegomarara remuromo wechibereko gore roga-roga apo chikamu che64% chavo chinogona kurasikirwa neupenyu. Dziviriro iri nani pane kurapwa, itai kuti vanasikana vabaiwe majekiseni eHPV izvozvo.

Share This:

Sponsored Links