‘Huchi hune mari’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Huchi hune mari’ VaAnderson Chibatauta vakabata zinga rehuchi

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MURIMI anove shasha pakupfuya nyuchi wekuMazowe, kudunhu reMashonaland Central anoti kuchengeta nyuchi ibhizimusi riri nyore uye rinopa pundutso muhupenyu.

Mikoko yenyuchi

VaAnderson Chibatauta vanoti veruzhinji vanozeza kuchengeta nyuchi dzekuti vamore huchi vachitya kuti dzinozovapandukira dzovaruma.

“Veruzhinji vanotya kuchengeta nyuchi vachiti dzinoruma asi kuchengeta nyuchi unenge wagadzira mari yako zviri nyore. Varimi vanofanira kutora kuchengeta nyuchi sebhizimisi hombe,” vanodaro VaChabatauta.

Murimi uyu anoti kuchengeta nyuchi kunoda hunyanzvi sezvo vamwe vachirasikirwa nemukana uyu nekusagona kudzichengeta zvakanaka.

Vanoti nyuchi dzinoda kuchengeterwa panzvimbo iri pedyo nemvura, inotonhorera uye ine nemiti nemaruva.

“Mikoko yenyuchi inoda kuiswa panotonhorera uye pedyo nepadzinowana mvura. Kutonhorera uku kunobatsira kuti dzigadzire huchi dzisingapisane uye kuti mazinga ehuchi asadonha nekuda kwekunyanya kupisa kunenge kuchiita kunze nemumukoko macho,” vanodaro.

VaChabatauta vanoenderera mberi vachiti, “Huchi hune mari pakuti hunokwaniswa kumorwa kaviri pagore kubva munaKubvumbi kusvika Chivabvu uye kubva munaGumiguru kusvika munaMbudzi. Mukoko mumwechete muhombe unobuditsa huremu hwehuchi hunobva pa10kg kusvika ku20kg zvichienderana nekuwanda kwenyuchi dzacho uye kuti dziri pedyo nemaruva nemvura zvakadii. Kazhinji, pakutengesa huchi hunoita $45 pakirogiramu imwechete kana murimi achihodhesa kune vanozotengesawo.”

Vanoti pane mikoko yenyuchi panofanira kugara pakachena pasina sora nekuti rinogona kuzoshandiswa nemasvosve senzira dzekukwira nadzo kupinda mumukoko.

Vanoti pakugadzira mukoko, varimi  vanokurudzirwa kuisa oyiri pamakumbo esimbi kana matanda anenge akagarirwa nemukoko senzira yekudzinga masvosve netumwe tumbuyu tungada kupinda mumukoko wenyunchi.

“Nyuchi kana iri mumukoko ikarumwa nesvosve inotanga kuita ruzha mumukoko imomo zvovhiringidza dzimwe nyuchi pakugadzira huchi,” vanodaro

VaChibatauta vanoti huchi hwakanakira zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kurapa zvirwere zvakasiyana-siyana zvakadai sechikosoro. Vanotiwo vamwe vanodya mazana ehuchi uye anorapawo zvakasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey