Hudzamu hwenzwisiso

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KOTORO ino yatosvika musvondo rechinomwe zvotoreva kuti tasarirwa nekotoro imwe chete kuti tipinde munguva yebvunzo munaGumiguru. Zvino tinoda kuva neruzivo rwehuremu hwamapepa ebvunzo kuti hwakamira sei. Dzimwe nguva tinogona kunge tiri kupedzera miseve kumakunguwo idzo hanga dzichauya.

Ndiko kusaka ndati tikurumidze kuisa chirongwa ichi tigone kutevedzera zvinodiwa nguva ichiripo.

Huremu hwemapepa ebvunzo reShona pagwaro rechinomwe hwakamira hwakadai; Mutauro unotakura zvibodzwa gumi nezvishanu kubva muzana (15%), rondedzero ichitakurawo zvikamu makumi mana kubva muzana(40%). Nzwisiso inotora chikamu chikuru chaizvo chinosvika makumi mana nezvishanu (45%).  Zvikamu zvose tikazvibatanidza pamwe chete zvinobva zvatipa zana rakazara rinova ndiro pepa redu.

Ruzivo urwu rwakakosha nekuti pada nekusaziva, tanga tichiti sika sika nemutauro tisingazive kuti huremu hwacho hunodyiwa zvakapetwa rutatu nehwenzwisiso. Ndiko kusaka muchiona kuti pepa rekutanga (paper 1) rakazara nezwisiso.

Zvinoreva kuti vadzidzi nevadzidzisi vanofanirwa kuisa simba zhinji kunzwisiso nerondedzero. Zvino kazhinji tinopedzera simba kumutauro tichisiya rondedzero nenzwisiso. Hongu zvakanaka kuziva mutauro kuti rondedzero dzigogona kunyorwa zvakanaka asi kana touya kunzwisiso kune mitemo yakowo inoda kutevedzerwa zvekuti mwana azokwanisa kunyora zvakanaka.

Chakaipira nzwisiso ndechekuti mwana anogona kubuda mubvunzo achiti arova nemazvo iye anga achiita mhosho dzinodzikisira goho rake. Zvinoreva kuti mwana anofanirwa kudzidziswa zvibinge zvese zvenzwisiso kuti agojairira kushanda nazvo pese paanoita nzwisiso.

Zvibinge zverondedzero takapedza nazvo muzvikamu zvakapfuura saka regai tibate zvakanangana nenzwisiso. Chikuru ndechekuti mwana ngaanzwisise ndima yaaverenga. Izvi anogona kuzviita nekudzokorodza kuverenga nekuti igaroziva kuti dzokorodzo inesimba. Kana mwana anzwisisa ndima ngaachiziva mapindurirwo emibvunzo.

Chekutanga ngaanzwisise zvinodiwa nemubvunzo. Anzwisisa zvinodiwa, ngaachiziva kuti mhinduro yaachanyora inoda kunyorwa zvizere zvichiitwa neshongedzo inokodzera. Chirevo chega chega chinotanga nevara guru chichishongedzwa netumwe twunyora.

Kana chirevo chanyorwa zvizere chapera, mwana anosungirwa kuisa chindaguma (fullstop). Pamwongo pemhinduro hapadi mhosho dzinosanganisira zviperengo nekuti mhinduro inobva yatoshanduka. Hazvidiwi Mwana asapindure mibvunzo nedimikira kana tsumo kunze kwekunge anzi atsanangudze zvinoreva tsumo kana dimikira racho.

Paya panenge pakaiswa zvibodzwa zviviri semubairo wekugona, unofanirwawo kuratidza kuti wapa mhinduro mbiri.

Share This:

Sponsored Links