Uncategorized

Hukama hweZim neRwanda hwaenda pachimwe chidanho

29 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
Hukama hweZim neRwanda hwaenda pachimwe chidanho Ambassador Shava (kuruboshwe) naVaVincent Biruta vachinyorerana pasi chibvumirano chekushanda pamwe chete munyaya dzekurima nekusimudzirwa kwezvipfuyo

Kwayedza

Victoria Ruzvidzo ari kuKIGALI, kuRwanda

ZIMBABWE neRwanda dzanyorerana pasi zvibvumirano zvishanu zvakananga kuvandudza uye kusimudzira kudyidzana kwenyika mbiri idzi munyaya dzezveupfumi.

Zvibvumirano izvi zvinoti chekufambiswa kwemashoko echizvino zvino (ICT), nyaya dzekurima nekusimudzirwa kwezvipfuyo, kushanyirana, nharaunda nekusanduka kwemamiriro ekunze nechimwe pakati peConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) neRwanda Private Sector Federation.

Gurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose – Ambassador Fredrick Shava – avo vari kutungamirira chikwata cheZimbabwe chiri kuRwanda, vasaina zvibvumirano zviviri zvinoti cheICT nechekurima apo Rwanda yange yakamirirwa negurukota rinoona nezvekunze kunyika, VaVincent Biruta.

Nerimwe divi, gurukota rezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, Cde Mangaliso Ndlovu nemutevedzeri wachamangwiza weRwanda Development Board, VaZephanie Niyonkuru, vasainirana chibvumirano chekusimudzira kudyidzana munyaya dzekushanyirana pakati penyika mbiri idzi.

Cde Ndlovu negurukota rezvenharaunda kuRwanda, Dr Jean d’Arc Mujawamariya vanyorerana zvakare chibvumirano chekusimbaradza hukama hwenyika mbiri idzi munyaya dzekusimudzira nharaunda nekusanduka kwemamiriro ekunze.
Mutevedzeri wemukuru weCZI, VaMucha Mkanganwi nasachigaro wePrivate Sector Federation kuRwanda vanyoreranawo chibvumirano chekudyidzana mune zvemabhizimisi.
Vachitaura mushure mechiitiko ichi, Ambassador Shava vanoti zvibvumirano izvi zvichavandudza kudyidzana munyaya dzeupfumi.

Pasati paitwa zvibvumirano izvi, Dr Shava vanga vachinyunyuta nekuderera kwebhizimisi pakati peZimbabwe neRwanda.
“Kusainwa kwezvibvumirano izvi ndiwo mavambo erwendo rwedu rurefu pakati penyika mbiri idzi munyaya dzekushanda pamwe chete. Tine basa guru rekuwedzera huwandu hwezvatichatengesarana uye kuti panofanira kuwedzerwa zvinhu zvatinotengeserana senyika, ” vanodaro Ambassador Shava.

Vanhu vanosvika zana, kubva kuHurumende nevemabhizimisi akazvimirira, vemuZimbabwe vari kupinda musangano uyu uyo une dingindira rinoti, “Explore, Invest, Export”.

Musangano uyu unoenderana nedonzvo reHurumende rekuti Zimbabwe inge yakasununguka kune vanoda kutanga mabhizimisi pamwe nekusimudzira kudyidzana nedzimwe nyika.

Musangano uyu unopera neChina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey