Huku dzafa dzadya marutsi emufi

01 Jan, 2023 - 00:01 0 Views
Huku dzafa dzadya marutsi emufi

Kwayedza

Leonard Ncube

MURUME ane makore 22 okuberekwa wekuVictoria Falls akarutsa kusvikira afa uye huku nhatu idzo dzakadya marutsi ake dzinonzi dzakafawo pakarepo munyaya inofungidzirwa kuti chikafu chaakange adya chaive chaiswa muchetura.

Mashura akashamisa vagari veguta rinoshanyirwa zvakanyanya munyika aya, akaitika svondo radarika uye mushakabvu, Nkosilathi Ncube, akavigwa nemusi weChitatu wapfuura kuVictoria Falls ikoko.

Nkosilathi aive mutambi wenhabvu ane mukurumbira uye akambotambira zvikwata zvinoti Breakaway FC neCorinthians FC iyo iri muZifa Division 2 League.

Akadzidza paMosi-oa-Tunya High School.

Anonzi akashanyira tete vake kunze kweguta reVictoria Falls nemusi weMugovera wadarika shoko risati ratanga kutenderera nemusi weMuvhuro mangwanani rekuti ainge afa mushure mekudya chikafu achibva atanga kuchema achiti ari kurwadziwa nemudumbu ndokutanga kurutsa.

Vavakidzani vanonzi vakaona huku dzichidya marutsi ake uye nhatu dzacho dzakabva dzangofa izvo zvakaita kuti vafungire kuti ainge adya chikafu chine muchetura.

Pane zviratidzo zvekuti Nkosilathi akashingirira nekurwadziwa pasina aimubatsira, kunyange zvazvo pamba paive nevanhu, kusvika afa husiku hwacho.

Mutumbi wake wakazoendeswa kuBulawayo uye ongororo yakaitwa nemachremba inonzi inoratidza kuti Nkosilathi akafa nekurutsa zvakanyanya mushure mekunge adzipwa nesadza.

Zvisinei, vemhuri yake havasi kugutsikana nezvakabuda muongororo yakaitwa iyi.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti pane kunetsana kuripo pakati pemhuri yekwaamai neyekwababa vemushakabvu nekuda kwenyaya iyi.

Vatori venhau vakaona vemhuri mbiri idzi vachinetsana parufu kurukisheni rweMkhosana munguva dzemangwanani.

Munin’ina wemushakabvu, Praise Ncube (19), anoti vemhuri yavo vane fungidziro huru yekuti mukoma wake akaisirwa muchetura muchikafu.

“Tinofungidzira kuti akaisirwa muchetura nekuda kwemaitikiro akaita zvinhu, zvikuru tichitarisa kuti huku dzakadya marutsi ake dzakafawo,” anodaro.

Amai vaPraise naNkosilathi vakashaya muna2005 ndokusara nababa vavo, VaTendai Ncube, avo vakazoroora mumwe mudzimai.

“Akabva neMugovera achienda kunoona tete vedu. Kwandiri ndaimutora sababa naamai uye taiudzana zvinhu zvakawanda. Asati aenda, takakurukura uye ndakamukurudzira kuti asaenda asi iko zvino ndanzwisisa kuti yaive nzira yake yekuonekana neni.

“Zvinoita sekuti chaakadya ndicho chaive chikafu chake chekupedzisira saka tiri kusiira zvose kuna Mwari kuti vatonge sezvo ndichitenda kuti vane mhinduro pane zvose. Chinondirwadza ndechekuti mukoma wangu akafa achidana zita rangu. Ndarwadziwa zvakanyanya,” anodaro Praise.

Panguva yekufa kwake, Nkosilathi aishandira imwe kambani yekuvaka pedyo nechikoro cheFarm School, muVictoria Falls.

Share This:

Sponsored Links