Huku dzaPresident dzogutsa ruzhinji

12 Dec, 2022 - 10:12 0 Views
Huku dzaPresident dzogutsa ruzhinji

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinotsigirira kupfuiwa kwehuku dzechivanhu reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA) riri kusimbaradza mabasa aro pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika chePresidential Rural Poultry Scheme nekusimudzira upenyu hwevarimi nevamwe vavanodyidzana navo mumabhindauko avo.

Kubva chirongwa ichi chavambwa, kune vanhu vari kuwana pundutso mukurarama kwavo avo vanosanganisira vanopfuya huku, vanotengesa chikafu chehuku, vanotengesa marasha anoshandiswa mukudziisa huku, vanotengesa zvirimwa nevanotakura hukwana vachidziendesa kuvarimi vari kunzvimbo dzakasiyana dzenyika.

VaTendai Mukeyani (39), avo vanogara kuChitungwiza, mumwe wevanhu vari kurarama nekuita basa rekutakura hukwana vachidziendesa kuvarimi vari kutsigirwa nesangano iri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika President Mnangagwa chekubatsira vagari vekumaruwa pamwe chete nevemumadhorobha nemaguta nehuku dzechivanhu pachena ichi.

“Chirongwa ichi chatisimudzira zvakanyanya isu vemarori. Ndine marori angu maviri anotakura hukwana kubva kumahofisi eZFRPA kunhandare yeShowground, muHarare, tichidziendesa kwakasiyana kuvarimi. Taisava nebasa chirongwa ichi chisati chavapo nekudaro ndinotenda mutungamiri wenyika nekuda kwechirongwa ichi,” vanodaro VaMukeyani.

Vanoti pasvondo, vanokwanisa kutakura hukwana idzi katatu vachiendesa kumativi mana enyika.

“Marori edu aishaya basa kare, asi izvozvi basa rava kutotiwandira uyewo mari yedu yebasa tinopihwa nenguva. Mhuri dzedu dzava kurarama zvakanaka, vana vava kukwanisa kuenda kuzvikoro pasina zvikwereti.

“Ndakakwanisa kutenga sitendi yandiri kuvaka imba neimwe imba yandakatenga yakavakwa kare nekuda kwechirongwa ichi,” vanodaro VaMukeyani.

Kunze kwekutakura huku, vanotiwo vari kuronga kupinda mubhindauko rekupfuya huku sevamwewo.

“Nekuda kwebasa iri, ndiri kutarisira kutenga imwe rori yechitatu yekutakura hukwana sezvo basa rehuku richiratidza kukura munyika. Kune vamwe vasati vava kuziva chirongwa chehuku ichi, ikurudziro yangu kuti vapindewo mubasa iri vasimudzire upenyu hwavo nehwehama nemasahwira,” vanodaro VaMukeyani.

Chirongwa chePresidential Rural Poultry Scheme chakananga kusimudzira upenyu hweruzhinji, zvose kumaruwa nemumaguta, kuburikidza nekupfuya huku dzechivanhu.

Share This:

Sponsored Links