‘Huku dzechivanhu dzinopundutsa’

25 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
‘Huku dzechivanhu dzinopundutsa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vanopfuya huku dzechivanhu vari kurumbidza chirongwa chePresidential Rural Poultry Scheme vachiti chinobatsira zvakanyanya mukuchengetwa kwehuku dzemhando iyi pamwe nekusimudzira raramo yeruzhinji.
Murimi mumwe nemumwe ari kupihwa huku gumi pasi pecherongwa ichi.

Huku dziri kupihwa varimi dziri kubva kusangano reZimbabwe Free Range Poultry Association (ZFRPA).
Mai Farai Mashazhu (55) vanogara kuGreencroft, muHarare vanoti chirongwa ichi chichasimbaradza mabasa evakawanda kusanganisira ivo, avo vakatanga nehuku ina chete, ndokuzokura vachishanda neZFRPA.

Iye zvino vava nehuku dzinodarika zviuru zviviri idzo vanopfuya pasi pezita reHazvy Chickens. Vanobatsirana nemurume, VaNgwarai Mashazhu (65), avo vatova maneja wavo. Vanoti vane huku dzinosanganisira dzemusvuu, dzechizizi, mahaka nematendeni.

“Tine matanga mana matinoisa huku idzi dzinosanganisira machongwe nesheshe, sheshe dzinokandira mazai zuva roga-roga ayo tinotengesa nekunochechenyesa. Tinozotengesa hukwana zhinji dzacho dzatinoendesa kuchirongwa cheZFRPA dzichinopihwa varimi vakasiyana munyika,” vanodaro Mai Mashazhu.

Mai Farai Mashazhu

“Ndinokurudzira mamwe madzimai kushandisa mawoko pakubatsirana nemhuri kuzviriritira uyewo vechidiki ngavashandise mukana uyu waunzwa nechirongwa chehuku chiri kuitwa nyika yose,” vanodaro Mai Mashazhu.
VaStuart Mashingaidze (40) vanove murimi wepapurazi reShortlands kuMarondera vanoti vakatanga kupfuya huku mugore ra2020 uye vanofara kuti chirongwa chemutungamiri wenyika chichabatsira vakawanda avo vanga vasingazive kuti huku dzechivanhu dzine mari.

“Tinorima chibage nekupfuya huku nembudzi. Ndakatanga nehuku 300 dzemazai dzechivanhu dzemaBoschveld ndokuramba tichiendesa mazai kunochechenya. Izvozvi tine huku 1 400.

“Tinoendesa hukwana nemazai akawanda kudarika vamwe kuZFRPA, mazai tinoendesa 4 800 pasvondo ekunochechenya,” vanodaro VaMashingaidze.

Vanoenderera mberi vachiti, “Sangano reZimbabwe Free Range Poultry Association rakativhurira mukana webhizimisi rehuku munyika.”

Murimi uyu ane huku dzemachongwe dzinodarika 400 nesheshe dzinodarikawo 900.
VaJames Goto vanoona nezvemafambisirwo ebasa musangano re(ZFRPA) vanoti donzvo ravo kusimudzira kupfuiwa kwehuku dzechivanhu munyika muno.

“Huku dzedu ishoma tinoda kuti dzipetwe kagumi kuvarimi vose kuti dzikwanire vanodzida,” vanodaro VaGoto.
Mashoko avo anotsinhirwa naMai Beauty Jiji vanova munyori mukuru musangano iri vachiti vari kutenderera nyika yose nechinangwa chekuti varimi vapinde muchirongwa chekupfuya huku dzechivanhu.

Share This:

Sponsored Links