Huku ine dovi

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Huku ine dovi

Kwayedza

USAVI hwemitsipa kana kuti misongoro yehuku ine dovi mutakunanzwa chaiwo uye kudya kwemhuri kwakareruka pamutengo zvekare kunovaka muviri sezvo kuine mapuroteni akawanda.Svondo rino Judith Rwodzi wekuMudzi anotsanangudza mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Mitsipa yehuku, mafuta, munyu, dovi, chikari, chipunu, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Geza mitsipa yehuku uise muchikari. Gadza pamoto iine mvura shoma wokanda munyu wakaringana.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu wobva wakanga nemafuta mashoma kusvika yatsvukira. Chekerera hanyanisi ukange wozoisa matomatisi.

Kurungira dovi parutivi nemvura shoma wozodira muhusavi hwako. Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, wakasununguka kuchibura udye nemhuri.

Mitsipa yehuku ine dovi inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga. Isarudzo yako!

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links