Huku yakatsakatika ‘yokonzeresa’ ndufu

23 Nov, 2024 - 09:11 0 Views
Huku yakatsakatika ‘yokonzeresa’ ndufu Richard Mucharwa naIreen Mucharwa

Tendai Gukutikwa

MHURI yekuChimanimani iri kunetsana zvikuru pamusoro pekufa kwevanhu vaviri nenzira dzisinganzwisisike sezvo vanonzi vakafa mushure mekunge vapihwa chipo chehuku, iyo yakazotsakatika, apo vaive vashanyira baba vemumwe wevashakabvu ava.

Zviitiko zvisinganzwisisike izvi zvasiya vemhuri iyi vachipumhana huroyi.

Nyaya iyi yakabuda mudare raMambo Saurombe nemusi weSvondo wadarika apo Irene Mucharwa akamhan’arira aimbove murume wake, Richard Mucharwa, achiti akakonzeresa kufa kwemwanakomana wavo nemunin’ina wake nekuda kwehuroyi.

Vaviri ava vanonzi vakafa muna2023 mushure memazuva matatu apo Richard aive apa mwanakomana uyu chipo chehuku mhenyu pamwechete neUS$1.

“Ini nemurume wangu takanga taparadzana kwemakore anopfuura 20 apo ndaigara nevana vedu—mwanakomana nemwanasikana. Gore rakapera (2023), mwanakomana wedu akati anoda kushanyira baba vake (Richard) munin’ina wangu akabva azvipira kuti amuperekedze kwababa vake. Mushure mekushanya kwavo, Richard akavapa huku sechipo.

Vachidzoka, huku iyi yakasanganiswa zvakanaka nedzimwe pamba pedu, asi yakazongotsakatika mushure memazuva matatu. Munin’ina wangu akabva azongofawo zvisinganzwisike mazuva matatu akatevera,” anodaro.

Nekushungurudzwa nekufa kusinganzwisisike kwemunin’ina wake, Irene nemhuri yake vakatsvaga rubatsiro kun’anga idzo dzinonzi dzakanongedzera Richard dzichiti ndiye akonzeresa kutsakatika kwehuku iyi, zvinove zvaishura kufa kwakazoita munin’ina wake.

Irene anoti zvakataurwa nen’anga izvi zvakawedzera shungu dzake apo mwanakomana wake akazofa zvekare nenzira isinganzwisisike.

“Mucharwa (Richard) akashevedzwa, akaenda kune imwe n’anga, uko akadura kuti ndiye akauraya munin’ina wangu zvichitevera kutsakatika kwehuku yaakamupa iye nemwanakomana wedu. N’anga iyi yakamutambidza US$1 ndokumuudza kuti aichengete sechivanhu kuitira kuti pasave nedambudziko mumhuri iyi. Akazopihwa zano rekuti achengete US$1 iri akamirira mamwe mashoko kubva kun’anga,” anodaro Irene.

Richard anonzi kunze kwekuti achengetedze US$1 iri, akapa mari iyi kumwanakomana wavo izvo zvakaita kuti azofa mushure memazuva matatu zvekare.

“Mwana wedu akafa mazuva matatu apihwa US$1. Sezvineiwo ainge andiudza kuti baba vake vainge vamupa US$1. Ko sei aizopa US$1 kumwana wedu? Mwanakomana wedu ndiye ega chapupu chakange chasara chainyatsoziva zvakanga zvaitika pavakamushanyira pamwechete nemunin’ina wangu akashaya. Zviri pachena kuti Richard aisada kuti mwanakomana wedu apupure uye abudise pachena zvaakaona kwababa vake paakashanya nemunin’ina wangu,” anodaro Irene.

Achipawo divi rake, Richard akaramba zvakasimba zvaaipomerwa, achizvitsanangura sezvisina musoro uye zvemanyepo zvekuda kusvibisa zita rake.

“Ambuya vangu (amai vaIrene) in’anga uye ndinofungidzira kuti vakarangana nevamwe vavo uko takaenda kunobvunzira kuti vandinongedzere inini. Zvavaindipomera ndakazviramba zvakasimba nekuti handina mhosva,” anodaro Richard.

Irene akati nyaya iyi yakambotongwa kumwe uye Richard ane katsika kekuti akaona kuti haana kufadzwa nemutongo unenge wapihwa anoenda kune rimwe dare rechivanhu zvekare achida kuti nyaya yacho itongwe patsva.

Izvi zvinotevera kutongwa kwakamboitwa nyaya iyi pakutanga mudare raMambo Muusha isati yaendeswa kwaMambo Saurombe.

“Pose painotongwa nedare remudunhu, anowana chikonzero chekuti nyaya iyi iendeswe kune rimwe dare. Inzira yekunonotsa kuti asatore mutoro uzere pane zvaari kuita,” anodaro Irene.

Asi Richard akadzivirira zviito zvake, achiti anenge achitsvaga kururamiswa uye hutongi hwakajeka sezvo vemumhuri yake kana yaIrene vachigona kurunzira mukutongwa kwenyaya iyi.

“Ndakazongokumbira kuti nyaya iyi iendeswe kumwe ndaona kuti vaitonga vaive nehukama nemhuri yemudzimai wangu. Hakusi kuti ndanga ndichitiza, asi kuti ndanga ndichitsvaga kutongwa zvakanaka,” anodaro.

Mushure mekunzwa mativi ose, Mambo Saurombe vakapa mutongo wekuti mapato ari kunetsana aya aende kun’anga nhatu kuitira kuti vagozopa mutongo unogutsa.

“Regai ndisimbise kukosha kwekuwirirana kuti munofanirwa kushanya kun’anga dzipi. Dare rino haripo pakumanikidza chero munhu kuita sarudzo yaasingavimbi nayo. Mapato ose anofanira kuwirirana nezven’anga dzamuchabvunza. Asi rega ndikuyambire Richard, kana zvikabuda kuti ndiwe honzeri, dare rino richakuranga zvakasimba nekuti haungarambe uchitambisa nguva yedare,” vanodaro.

Mambo Saurombe vakati kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi munguva pfupi inotevera kuitira kuti mapoka maviri ari kunetsana aya awane mukana wekushanyira n’anga dzakasiyana.

Share This:

Sponsored Links