Uncategorized

Huku yekuuraya munhu — Part II

10 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Huku yekuuraya munhu — Part II Jongwe

Kwayedza

Liberty Dube

MURIDZI wejongwe rehuku rinonzi rakaruma mudzimai wekwaChigodora, kwaMambo Zimunya, kwaMutare akazofa anonzi anofanirwa kumiswa mudare ramambo weko nekuda kwenyaya iyi.

Izvi zvakaziviswa svondo rapera naMambo Zimunya.

Zvikomborero Takarinda anotarisirwa kumira mudare ramambo kuti atsanangure firo isinganzwisisike inonzi yakaitwa naChandapiwa Makaza mushure mekunge arumwa nejongwe rake.

“Zvinhu zvakadai zvange zvisati zvamboitika mudunhu rangu. Hazvinzwisisike uye hazvitarisirwe kunge zvichiitika. Ndichamudeedza kudare rangu kuti atsanangure kuti ijongwe njee here rakaruma mudzimai uyu ndokukonzera rufu rwake.

“Tange tisingakwanise kuita matare edu semazuva ose nekuda kweCovid-19, asi iye zvino zvinhu zviri kunyevenuka pashoma nepashoma.

“Tinoda kunyatsonzwisisa mafambiro akaita nyaya iyi. Vanhu vakawanda vaifunga kuti nyaya iyi yakatopera asi kwete, tinoda kuiongorora toinzwa zvizere. Zvakaitika izvi zvakafanana nechipini. Nyaya iyi inofanirwa kuzeyewa, chokwadi chobuda pachena,” vanodaro Mambo Zimunya.

Mambo Zimunya

Mushure memazuva maviri Makaza afa, chitunha chake chinonzi chakachema izvo zvakashamisa zvikuru hama dzemushakabvu nevamwe vanhu vaive parufu rwake munaChikunguru.

Mudzimai uyu akafa ave nemakore 42 okuberekwa.

Muhurukuro yaakaita neKwayedza nguva yadarika, Takarinda anoti jongwe rake raive netsika yekuruma vanhukadzi.

“Handishandise jongwe iri chimwe chinhu kunze kwekuti risangane netseketsa dzevanenge vachida rudzi rwaro. Jongwe iri rine tsika yekuruma vanhu, kunyanya vanhukadzi.

“Iyi imhando yejongwe yakasiyana uye vanhu vaigara vachindikumbira nekuda kwekukura kwaro vachida kuti vazoita huku dzakafanana naro. Aka hakazi kekutanga mhuri iyi ichikumbira jongwe rangu,” akadaro Takarinda mazuva ashaika mudzimai uyu.

Anoti vamwe vaaipa jongwe rake aivabhadharisa nemari yemaUS$ kana nechibage.

Takarinda akazochema zvikuru apo vagari vemunzvimbo yake avo vaive vakaungana parufu rwemudzimai uyu vakati jongwe rake rinofanirwa kuuraiwa ropiswa.

Apo misodzi yaierera pamatama ake, akamanikidzwa kuuraya jongwe iri nekuripisa mushure mekunge vagari vemunzvimbo iyi vamuti kana akaregedza kuita zvavaida vaizomurova.

Share This:

Sponsored Links