Humbimbindoga bodo — Mutodi

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Humbimbindoga bodo — Mutodi Tich Mutodi

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI weAfro-fusion Tich Mutodi anoti vaimbi vanofanirwa kushanda vese vakabatana nechinangwa chekusimudzirana kwete kuita humbimbindoga sezvo zvisina kwazvinovasvitsa.

Mutodi – uyo achangobura dambarefu rake rechipiri rinonzi Tsuro Nengwenzi Deterrent – anoti kana vaimbi vakasimudzirana zvinobatsira kuti vese vawane pundutso muindasitiri yemimhanzi.

“Vaimbi tinofanirwa kubatana toshanda pamwe kuti mhanzi isvike kuvanhu, vatsigiri vemhanzi vanakirwe.

“Zvino kuita humbimbindoga hakushandi, hazvibatsire kuti iwe wega ndiwe unoda kungonzi ndiwe unogona, usingasimudzire vamwe? Hazvishande, icho ndicho chokwadi,” anodaro Mutodi.

Muimbi uyu anoti apo aitsikisa dambarefu rake iri pane vamwe vaimbi vaaida kushanda navo asi vakamuti vanoda kubhadharwa mari kuti vagoimba naye izvo zvaakashora achiti hazvisimudzire vamwe.

“Kana mumwe muimbi achiti ndibhadhare zvakanakawo here? Hameno kana tave kubhadharisana sevaimbi tinosvika kupi manje?

“Tinofanirwa kusimudzirana kuti mhanzi iyi inakidze,” anodaro.

Dambarefu rake rechipiri iri rine nziyo sere,  kusanganisira kanonzi Tsuro Negwenzi ako akaimba naProgress Chipfumo.

“Progess ndiye mumwe wevaimbi vandakaona vasina godo nevamwe akanditi Mutodi usandibhadhare ngatibate basa rifambe chete. Kusimukira kwako ndiko kusimukira kwanguwo.

“Ndivo vaimbi vatinoda muno ava,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey