Humfrey azviita zvakare

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUIMBI wechidiki wenziyo dzechitendero – Ziggie Humfrey (28) – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Ziggie The Crusader akazviita zvakare zvichitevera kubura kwaakaita dambarefu rake rechishanu rinonzi Amandimenyera PaNgondo unova mutauro wechiChewa zvichireva kuti handisanduke.

Dambarefu idzva iri rine nziyo nhanhatu dzinoti Amandimenyera PaNgondo, Higher Grace, Uchaita Sei, Don’t Change the Formula, Wapihwa Red Card naNdibatsirei Mwari.

Humfrey anoti Amandimenyera PaNgondo rumbo rwunoimbwa nevatendi apo vanenge vachipembera nekufara pamwe nekutenda zvinhu zvavanenge vakaitirwa naMwari.

“Pakadai apa ndipo apo vatendi pavanopinda panguva yekusimuka vachipupura pamberi pesangano nezvekukosha kwaMwari nekutenda makomborero avakawaniswa. Pakambo kechiRungu kandakaimba kanonzi Don’t Change the Formula, ndinenge ndichireva kuti vanhu vanofanira kuramba vakati kwati-kwati naMwari kunyangwe zvikarema sei nekuti kune vamwe vanosvika pakuramba Mwari wavo nekuda kwematambudziko akawanda anenge ari kuvamomotera muupenyu,” anodaro Humfrey.

Humfrey anoyambira veruzhinji kuti chinhu bedzi chinokwanisa kusandura upenyu hwemunhu ishoko raMwari.

Anoti kambo kanonzi Wapihwa Red Card ndekekudzinga Satani apo munhu anenge atendeuka ava kuita zvinodiwa naMwari chete  nokudaro Satani anenge asisina mukana.

Muchinda uyu anoti anotarisira kuparura dambarefu rake iri munguva pfupi iri kutevera.

Mamwe madambarefu aakatsikisa mumakore adarika anosanganisira Holly Ghost Naked Wire, Rock n Roll naVavengi Vakureba Muswe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey