Hunyunyu paHillcrest College . . . vana vadiki vanorohwa nevakuru

18 Oct, 2022 - 10:10 0 Views
Hunyunyu paHillcrest College . . . vana vadiki vanorohwa nevakuru VaEdward Shumba

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

VADZIDZI vatanhatu veForm 6 vepaHillcrest College kwaMutare nemusi weMuvhuro vakamiswa chikoro vachimirira kutorerwa matanho mushure mekupinda muhositeri yemaForm 2 nechisimba, ndokurova vana vaivemo nemabhurumu pamwe nemabhande pakati pehusiku neMugovera svondo rapera.

Chikwata ichi chakaparadzawo midziyo yechikoro.

Mukuru weHillcrest College, VaOrlando Cosme Fernandes, vanotsinhira nyaya iyi, vachiti vambomisa chikoro vadzidzi vatanhatu vari kupomerwa mhosva iyi.

Mumwe wevana veForm 2 anonzi akarohwa akakuvara uye akatonorapwa nachiremba.

“Manheru eMugovera wadarika, pakaitika chiitiko chinosuwisa apo vamwe vakomana vakuru vakanorwisa vakomana veForm Two muhositeri ravo. Mumwe mukomana akakuvara ndokuendeswa kuna chiremba.

“Nyaya iyi iri kuferefetwa uye vakomana vakuru vari kupomerwa mhosva iyi vakambomiswa chikoro, tichimirira zvichabuda muongororo,” vanodaro VaFernandes.

Zvichakadai, vabereki vane vana pachikoro ichi vanoda kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa uyewo havasi kufara nemafambisirwo airi kuitwa nevakuru vechikoro.

Mumwe mubereki ane mwana akarohwa nevakomana veForm 6 ava anoti nyaya iyi inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa.

“Mukuru wechikoro akaramba kumhan’ara achiti nyaya iyi inogona kusvibisa vari kupomerwa mhosva iyi uyewo zvichikanganisawo vakomana ava sezvo vave kuda kunyora bvunzo dzavo dzekupedzisira,” anodaro mubereki uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita.

Mubereki uyu anoti vari kugara vachityira kuchengetedzeka kwevana vavo nekuda kwenyaya dzekushungurudzwa nevamwe vechikuru izvo zvinonzi zvava nenguva zvichiitika.

“Vadzidzi vakuru vanowanzoenda kumahositeri evadiki vonovarwisa. Izvi zvave nemakore zvichiitika.

“Zviri pachena kuti vadzidzi vakuru ava vanoudza vechidiki kuti vasamhan’are kuvakuru vechikoro kana kuvabereki vavo,” anodaro mubereki uyu.

Vamwe vevabereki vane vana vanodzidza pachikoro ichi vanoti nyaya dzekushungurudzwa kwevadzidzi vadiki nevakuru dzadzika midzi.

Vadzidzi vadiki vanonzi vanomanikidzwa kutakura mabhuku nemabhegi emaprefect.

Pamusoro pezvo, kana vadzidzi vakuru vachiuya, vadzidzi vadiki vanonzi vanofanirwa kubva munzira yavanenge vachifamba nayo.

Zvichakadaro, VaFernandes vanoramba kutaura pamusoro penyaya yekushungurudzwa kunonzi kunoitwa vamwe vana vechikoro nemaprefect.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba vanoti havasati vawana gwaro kubva kuchikoro ichi riri pamusoro pemafambiro akaita nyaya iyi.

Vanoti mutemo webazi redzidzo yepuraimari nesekondari ndewekuti nyaya dzekushungurudzana kwevadzidzi dzinogona kugadziriswa pachikoro kana kumapurisa, asi kana pane mudzidzi anenge akuvadzwa, nyaya yakadai yave mhosva inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa.

“Tine maitiro atinoita mukugadzirisa nyaya dzakadai apo chikoro chinokwanisa kugadzirisa choga, asi kana mumwe wevadzidzi akaendeswa kuchipatara, mapurisa anofanira kupindira. Imhosva nekudaro yaifanira kunge yakamhan’arwa kumapurisa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links