‘Hupenyu hwevatambi hwoendeka’

03 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
‘Hupenyu hwevatambi hwoendeka’

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weTriangle United kana kuti Sugar Sugar Boys, Taurai Mangwiro, anoti kudzoka kwenhabvu kuri kuona hupenyu hwevatambi vakawanda huchitanga kuendeka sezvo vazhinji vange vakakanganisika nekugara kudzimba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Nekuda kweCovid-19, gore ra2020 nhabvu yePremier Soccer League (PSL) haina kumbotambwa sezvo mitambo yose yakambomiswa.

Izvi zvakaona vamwe vatambi venhabvu vachikwangwaya sezvo vachirarama nemutambo uyu.
Asi zvichitevera kudzoka kwenhabvu mwedzi wadarika, zvikwata zvemuPSL zviri kutatsurana mumutambo weChibuku Super Cup.

“Kugara kumba kwange kwakaoma uye hupenyu hwevatambi vazhinji hwakambokanganisika nekungogara nekuti mari yange isisauye.

“Mutambi wenhabvu kana akangogara mari haiuye, kune mari yakaita seyemabhonasi iyo inouya kana chikwata chahwina. Mari iyi inobatsira vatambi saka yaisauya sezvo nhabvu yange isiri kutambwa.
“Asi kudzoka kwaita nhabvu kwave kusunungura zvakawanda uye hupenyu hwevatambi hwave kusimukira manje,” anodaro Mangwiro.

Mangwiro mumwe wevarairidzi vashoma vakakwanisa kuhwina mukombe weChibuku Super Cup uyo akahwapura mugore ra2018 izvo zvakazoona chikwata chake chichikwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup muna2019.

Mwaka uno, chikwata chake hachina kutanga zvakanaka mumutambo weChibuku Super Cup zvichitevera kukundwa kwachakaitwa mitambo miviri yekutanga 3-1 neNgezi Platinum Stars uye 2-1 neFC Platinum.

Mangwiro anoti vakatanga zvakashata asi vari kushanda nesimba kuti vadzoke mumutambo uyu uye vagohwina zvekare.

“Kuti uhwine mikombe yenhabvu inotoda kushandirwa zvakasimba saka isu tiri kushanda nesimba kuti tigohwina.

“Ndinobvuma kuti hatina kutanga zvakanaka asi chandinoziva ndechekuti tichiri nemimwe mitambo iyo ticharwa semvumba kuti tisabude mumutambo uyu.

Mitambo yedu yekutanga yakatirakidz kuti tange tichiri nengura.
Asi, tine mimwe yatichatamba ndinoziva tichahwina uye togadzirisa pange pachikanganisika. Saka tiri kufanirwa kutokunya dzisimbe kuti tihwine,” anodaro Mangwiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>