Huropi hwemwana huri panze

16 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Huropi hwemwana huri panze Huropi hwemwana huri panze

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuKwekwe ari kutsvaga rubatsiro rweUS$20 000 yekuti mwana wake, uyo akazvarwa huropi huri panze, anorapwa kuchipatara chekuSouth Africa.

Mai Purity Mapurisa vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwedambudziko rakatarisana nemwana wavo.

“Mwana wangu uyu, Mukudzei Nyahwa, ave negore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa. Ndakamubarira muchipatara cheKwekwe General Hospital asi machiremba haana kundiudza kuti akabuda aine dambudziko iri. Vakangoti mwana wenyu tamuisa mugirazi saka mushure memwedzi mitatu ndipo pavakazondiudza kuti ane yero (yellow).

“Havana kundiudza kuti huropi hwake hwaive kunze. Ndakaburitswa muchipatara ndikaenda naye kumba apo ndakazoona kuti aive nehuropi huri panze.

“Ndakazodzokera kuchipatara kuye zvikanzi ndigopota ndichiisa mushonga kuti ronda risaipe, saka taingoisa mishonga yemaronda iyoyo.

“Asi iko zvino hatichakwanisa nekuti mishonga yacho yava kudhura. Takazobatsirwa nesangano reZimbabwe Parents of Handiccaped Children rekuno tikaona mumwe chiremba uyo akati panoda kuitwa oparesheni yekuti pavharwe,” vanodaro.

Oparesheni iyi inofanira kuitirwa kuSouth Africa asi dambudziko remari ndiro riri kuvadzorera kumashure.

“Hazvisi nyore kugara pamusha nemwana ane huropi huri kunze. Murume wangu haachasi kushanda saka ndini ndinotoenda kumusika kunotengesa asi mwana wedu anonetsa kubata nekuti nzvimbo ine uropi iyi haidi kubatwa zvisirizvo.

Mapurisa nemwana wake

“Tiri kutsvagawo rubatsiro rweUS$20 000 kuti mwana anovhiiwa kuSouth Africa achiiswa inonzi ‘brain cap’. Ndinovimba kana mwana wangu akabatsirwa tinotangawo upenyu hutsva nemufaro. Vangada kundibatsira vanondibata panhare dzinoti: +263 0786 167 609,” vanodaro Mai Mapurisa.

Mune imwewo, mumwe mukadzi wekuKwekwe kwekare ari kukumbira rubatsiro rweUS$19 000 yekuti aendese mwana wake kuchipatara chekuSouth Africa kunobviswa mvura iri kuita kuti musoro wake urambe uchikura.

Mwanakomana wechipiri waMiriam Nyamvura (24), uyo anonzi Junior Blessing (4), akaberekwa aine chirwere chehydrocephalus chinoita kuti musoro wake urambe uchikura.

Chirwere ichi chave kukonzera zvekare kuti meso ake akundikane kuona zvakanaka.

“Ndiri kukwasha rubatsiro rweUS$19 000 kuti mwana wangu anovhiiwa kuSouth Africa, ane dambudziko rekukura musoro saka mvura yacho inofanirwa kubviswa. Ndiri shirikadzi inorarama nekutengesa asi nekuda kwedambudziko rine mwana wangu, kana kuenda kumusika handichakwanisi,” anodaro.

Nekuda kwehurwere hwemwana wake, Nyamvura anoti akasvika pakusarurwa munharaunda yaaigara zvikaita kuti azoenda kukanzuru yeKwekwe inova yakamubatsira nekamuri imwe chete yemba kuMbizo 7 uko ari kugara nevana vake.

“Ndakarambwa munharaunda nekuda kwechirwere chemwana wangu. Kanzuru yedhorobha redu isati yandipa imba, ndakatambura nevana vangu nekuti vanhu vairamba kundipa pekugara.

“Ndaipota ndichitsvaga pekugara ndichiroja asi vanhu pavanoona mwana wangu, vanondiudza kuti hapana imba.

“Sezvamunoona, ndinorarama nekutengesa zvihwitsi. Dambudziko nderekuti Blessing haaite sevamwe vana uye anoda kudya chikafu chandisingakwanise kuwana,” anodaro.

Vanoda kubatsira mudzimai uyu vanokwanisa kumubata panhare dzinoti 0786 631 663 kana kumushanyira pamba paanogara panhamba 84A/7 Mbizo, Kwekwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey