Hurudza dzakapihwa mibairo

29 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
Hurudza dzakapihwa mibairo Dr John Basera (vechina kubva kuruboshwe) vachitaura pachirongwa chekupihwa kwevarimi mibairo kwaMakoni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vakakunda vamwe kurima chibage, nzungu nezvimwe zvirimwa pasi pechirongwa chePfumvudza kuMuchinjika, kwaChiendambuya, mudunhu rekwaMakoni svondo rapera vakapihwa mibairo.

Mai Tandiwe Jordan-Mukonyora nemurume wavo, VaPatrick Mukonyora, ndivo vakatora mukombe mukuru uye vanotenda madhumeni avo anovafundisa hunyanzvi hwekurima nenzira yePfumvudza zvikaita kuti vawane goho guru.

Mumwe wemadzimai akapembedzwa ndiMai Shuwisai Vangisa vemunharaunda imwe chete iyi.

Chirongwa ichi chaive chekumema minda yakarimwa nenzira yePfumvunza (Commercial Pfumvunza Field Day).

Budiriro yose iyi yakavapo kuburikidza nerutsigiro rwemudhumeni wavo wechidzimai, Phillipah Rwambiwa, anova akapihwawo mibairo yake.

Vachitaura pachirongwa ichi, munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr John Basera – vanoti vanofara kuparura chirongwa chePfumvudza Food Security Program Phase 2 chemwaka wa2022/23 munharaunda iyi.

“Tinofara zvikuru kuti chirongwa ichi chaitwa muMakoni District panguva iyo bazi redu rakabva mukusarudzwa rikatora mukombe wekutanga pakati pemamwe mapazi mukugona kushanda nemazvo. Mibairo iyi, takatoitambidzwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa zvinova zvinodadisa. Zvese izvi zvinobva mukushanda kwenyu imi varimi nemadhumeni,” vanodaro.

Vanopembedza kusimudzirwa kuri kuitwa varimi vekumaruwa apo vanowaniswa zvekushandisa neHurumende zvakadai sembeu, mishonga nemafetiraiza zvinoita kuti vawane goho guru uye kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveVision 2030.

“Tinofara kuti varimi vakadai saMai Mukonyora nemhuri yavo uye vamwe vari muno vari kutevedzera chirongwa chePfumvudza. Pfumvudza inobatsira mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nekuti makomba nemanyowa anoita kuti mwando ugare pasi kwenguva refu zvichiita kuti goho ribude rakanaka,” vanodaro Dr Basera.

Vanoti gore rapera, varimi vemudunhu reManicaland vakawana goho repakati nepakati rematani mashanu pahekita imwe chete.

“Gore rino, mvura yakawanda zvikuru asi dunhu reManicaland munzvimbo yeMutare haina kunyatsonaya kunyangwe zvazvo goho riri kuratidza kuva rakanaka. Tinokurudzira varimi kuti varime ndima diki vachizowana goho guru nekuwanisa zvese zvinodikanwa nezvirimwa. Madiridziro akakosha munguva yekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

Vanotenda madzimai emudunhu iri mukushingaira mukurima zvichibva zvekare murutsigiro rwemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Dr Amai Auxillia Mnangagwa, pasi pechirongwa cheAgriculture 4She.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>