Hurumende yobatsira varimi

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Hurumende yobatsira varimi VaVangelis Haritatos

Kwayedza

Wellington Dengu
HURUMENDE iri mushishi yekushanda nesimba kuti ibatsire varimi vakwanise kuwana zvekushandisa mukurima zviri nyore zvichitevera kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rebazi rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva – VaVangelis Haritatos – apo vaive muenzi anoremekedzwa pamusangano wepagore weAgricultural Marketing Authority (AMA) wakaitwa muHarare svondo rapera.

Vanoti Hurumende inokoshesa nyaya yekuti varimi vawane zvekushandisa zviri nyore.

“Sezvamunoziva, tiri kusangana zvichitevera mwaka wakange wakaoma usinganaye mvura kwenguva yakareba kubva munaNdira kusvika Kukadzi kumatunhu akawanda enyika. MunaKurume, pakabva paita mvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai kuManicaland, Mashonaland East naMasvingo. Njodzi idzi dzinotaridza kuti mabasa edu ekurima uye nekuchengetedzwa kwezvekudya zvinogona kukanganiswa nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze. Izvi zvaita kuti pave nekuderera munyaya dzekurima nekutengeswa kwezvirimwa kunze kwenyika.

“Nyaya dzekuwanikwa kwembeu, feteraiza nemishonga dziri kukosheswa zvikuru. Zviri pachena kuti Hurumende nemakambani akazvimirira vanofanira kubatana mukusimudzira mabasa ekurima, zvikuru nyaya dzemaridziro kuitira kurwisa nzara,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti vanorumbidza AMA nekushanda zvizere nemamwe mapoka ari munyaya dzezvekurima izvo zvinoita kuti varimi vave nechivimbo nebasa ravo.

Vanoti AMA iri kushanda siku nesikati nemamwe mapoka panguva iyo chikamu chezvekurima chakatarisana nematambudziko makukutu.

“Ndinoda kurumbidza AMA nebasa guru rairi kuita rekushanda nemazvo nenzira dzakajeka. Ndinoda kukurumbidzai zvakare nekuva mwenje wekuti veruzhinji vavimbe nemapoka ari pasi peHurumende.

“Kuitwa kwemusangano uno weAGM kunopa mukana wekuti tipangane mazano munyaya dzekusimudzira mabasa ekurima, kusanganisira kutengeswa kwezvirimwa nemapoka anoona nezvekurima, kunyanya makambani akazvimirira,” vanodaro.

Sachigaro webhodhi reAMA, VaBerean Mukwende vanoti vanokuridzira Hurumende kuti ione kuti zvirimwa zvatengwa nemaUS$ nechinangwa chekutsigira varimi zvichitevera kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu.

Vanoti vanokurudzirawo varimi  kuti varime mbesa diki panzvimbo yechibage icho chiri kukanganiswa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

AMA yakaumbwa neHurumende nechinangwa chekusimudzira kurima kwezvirimwa zvakadai sefodya, donje, nzimbe nesoya bhinzi.

 

Share This:

Sponsored Links