Hurumende yogadzirisa nhandare

16 May, 2024 - 20:05 0 Views
Hurumende yogadzirisa nhandare Dr Muswere (vechina kubva kuruboshwe kumashure) vaine mumiriri weSouth Korea muZimbabwe Ambassador Park Jae Kyung (kuruboswe), mutungamiri weZimbabwe Taekwondo Association Benson Zwizwai (wechitatu kubva kuruboshwe) nevamwe vatambi vakahwina svondo radarika. - Mufananidzo naAbel Ndooka

Kwayedza

Abel Ndooka

HURUMENDE iri mushishi kuona kuti nhandare dzemitambo yakasiyana dzavandudzwa zvemhando yepamusoro uye panguva imwechete dzimwe dzichivakwa nechinangwa chekusimudzira mitambo munyika.

Izvi zvakaziviswa nevakafanobata chigaro chegurukota rebazi remitambo nekutandara, – Dr Jenfan Muswere – apo vaive muyenzi anoremekedzwa pamutambo weNational Taekwondo Championship, Korean Ambassador’s Cup paBelvedere Teachers College, muHarare svondo rapera.

Dr Muswere, avo vanove zvekare gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, vanoti kusimudzirwa kwemitambo kwakakosha pasi pechirongwa chebudiriro yenyika cheNational Development Strategy 1 (NDS1) nekudaro Hurumende yakazvipira kuona kuti nhandare dzemitambo yakadai senhabvu, karate, taekwondo, gorofu nenetball dzavandudzwa.

Izvi, vanodaro Dr Muswere, zvakaona svondo rapera vachibatana nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Vice President Kembo Mohadi, vachiongorora mamiriro akaita nhandare dzinosanganisira National Sports Stadium, Magamba Stadium neRufaro Stadium, muHarare.

“Hurumende yeZimbabwe yakazvipira kuona kuti tavandudza nhandare dzemitambo yakasiyana pamwechete nekuvaka dzimwe itsva sezvo National Development Strategy 1 ichiti hapana munhu kana nzvimbo inofanirwa kusara kumashure uye mazera ese anokurudzirwa kukwikwidza mumitambo yakasiyana,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti mutambo weNational Taekwondo Championship, Korean Ambassador’s Cup wakakosha sezvo uchibatsira kusimbaradza hukama hweZimbabwe nenyika yeSouth Korea kuburikidza nemutambo.

“Rutsigirwo rweSouth Korea rwekukotsvera mutambo uyu rwakosha sezvo zvichibatsira kuti usimukire usvike padanho repamusoro. Asi chikuru ndechekuti zviri kusimbaradza hukama hwagara huripo hwenyika dzedu mbiri, Zimbabwe neSouth Korea,” vanodaro Dr Muswere.

Mutambo weNational Taekwondo Championship, Korean Ambassador’s Cup wakaona zvikwata zvinodarika 20 zvakabva kumativi mana enyika zvichitatsurana mumapoka emazera akasiyana.

Pamutambo uyu zvekare paive nezvimwe zvikwata zvakabva kuMalawi neMozambique.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey