Hurumende yojekesa zvedzidzo yepachena

12 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Hurumende yojekesa zvedzidzo yepachena Prof Mthuli Ncube

Kwayedza

Nqobile Tshili

HURUMENDE ichatanga hurongwa hwekuti vadzidzi vafunde pachena zvishoma nezvishoma kutanga gore rino apo vanoshaya vari kuzvikoro zvekumaruwa vachatanga kubatsirika pasi pechirongwa ichi.

Zvikoro zvakavhurwa nemusi weMuvhuro vhiki rino apo panotarisirwa kuti vadzidzi vachadzidza zvakanaka pasina kukanganiswa nedenda reCovid-19.

Vakuru kubva kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari nevekubazi rehomwe yenyika vaitarisirwa kusangana kuti varonge mafambisirwo emari kuitira kufambisa chirongwa chekudzidza kwevana pachena ichi.

Pari zvino Hurumende yabatsira vana vanosvika mamiriyoni maviri pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) kubva pavana vanosvika 6,7 miriyoni.

Vachipa hurongwa hwekushandiswa kwemari yebhajeti renyika yemuna2023, gurukota rezvemari – Professor Mthuli Ncube – vanoti kupihwa kwemari yakawanda kuchikamu chedzidzo kunoenderana nebumbiro remutemo rinoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo.

Vanoti bazi ravo rakawedzera mari kuchikamu chedzidzo kuitira kuti vana vadzidze pachena.

Senzira yekuvandudza hurongwa hwekuti vana vadzidze pachena, Hurumende iri kubatsira vadzidzi kubhadhara mari yekunyora mazamanishoni eZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) nechikamu chinosvika 55 percent pamwana woga-woga ukuwo ichiendesa vana kuzvikoro pachena nechirongwa cheBEAM.

Mutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, VaEdgar Moyo, vanoti Hurumende iri kuvandudza hurongwa hwekuti vana vadzidze pachena zvishoma nezvishoma uye vakawanda vachabatsirwa nehurongwa uhu gore rino.

“Kudzidza pachena kwevana kuri kutanga kuvandudzwa gore rino. KuMatabeleland South, ndinoziva kuti kune matunhu maviri, Mangwe neBeitbridge, ndiwo akatanga nechirongwa chekuti vana vadzidze pachena,” vanodaro.

“Tiri kuvandudza zvishoma nezvishoma huwandu hwevana vari pasi pechirongwa cheBEAM rinova rimwe divi redzidzo yevana inobhadharwa neHurumende.”

VaMoyo vanoti vari kutarisira kuti vamwe vana vachabatsirwa nehurongwa hwekudzidza pachena uhu, kunyanya vanobva kuzvikoro zvekumaruwa avo vanoshaya.

Vanoti havasi vose vana vachabatsirika nechirongwa ichi, asi kuti pachatangwa nevanoshaya.

“Tichatanga nenzvimbo idzodzo dzine vana vanotambura zvakanyanya asi nekufamba kwenguva tichabatsira vana vose seHurumende. Takatanga neBEAM kumatunhu maviri ayo akatorwa senzvimbo dzekuona kuti zvinoitika sei.”

Vanoti vanhu vemunharaunda vanofanira kunzwisisa kuti zvinorevei kuti vana vanenge vachidzidza pachena sezvo Hurumende ichabatsiridza asi kwete kuti mwana anodzidza achiwana zvose pachena.

VaMoyo vanoti matambudziko akasanganikwa nawo nenyika kubva muna2019, akakanganisa kuvandudzwa kwechirongwa ichi.

“Zvinhu zvizhinji zvakanonoka kuitwa nekuda kweCovid-19 pamwe chete neCyclone Idai izvo zvakanga zvisina kurongerwa. Izvi zvakaita kuti mari zhinji nezvekushandisa zviendeswe kumatambudziko aya zvinova zvakadzosera Hurumende kumashure,” vanodaro.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, Cde Lovemore Matuke, vanoti chakanyanya kukoshera hurongwa hwekudzidza kwevana pachena uku ndechekuti chero vasiri pasi pechirongwa cheBEAM vachabatsirwa.

“Hurongwa uhu huchapa mwana wose mukana wekuti awane dzidzo yakakwana. Kunyangwe Hurumende iine chirongwa cheBEAM icho chinonyanya kutarisa vana vanoshaiwa, kuvandudzwa kwehurongwa uhu kuchaita kuti vana vanoshaya vanga vasiri pasi pechirongwa cheBEAM vabatsirwewo,” vanodaro.

Mukuru wesangano reNational Association of Secondary Heads (Nash), VaArthur Maphosa, vanotiwo: “Ichi chirongwa chakanaka chakafanana neBEAM icho chiri kubatsira vana vakawanda vanoshaya.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey