Hurumende yotevera vakasiira chikoro panzira

08 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Hurumende yotevera vakasiira chikoro panzira Mai Thabela

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kuita ongororo yekuona kukanganiswa kwakaitwa chikamu chefundo nechirwere cheCovid-19 apo paine kutyirwa kukuru kwekuti zviuru nezviuru zvevadzidzi vanogona kunge vakasiira chikoro panzira zvichitevera kunyuka kwedenda iri.

Chirwere ichi chakanganisa zvikuru mararamiro evanhu pamwe chete nebudiriro yezvikamu zveupfumi hweZimbabwe, kunyanya chekushanyirwa kwenyika.

Vachitaura vari kuVictoria Falls mushure mekupa mubairo weSecretary’s Merit Award kuchikoro cheMosi-oa-Tunya High School neChamabondo Primary School svondo rapera, munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela vanoti Hurumende inoda kuziva huwandu hwevana vakasiira chikoro panzira panguva yelockdown uye kana zvichikwanisika, varondwa kuti vadzoke kuchikoro.

Mashoko avo anotevera kubuda kwenyaya yekuti vana 560 vakasiira chikoro panzira paMosi-oa-Tunya High School kubva munaNdira wegore rapera.
“Takapotsa taita chikoro chikuru chine vadzdzi 1 800 pane imwe nguva asi Covid-19 yakatidzosera kumashure. Huwandu hwevadzidzi vedu hwakadzikira kubva pa1 700 munaNdira 2020 kuenda pa1 140 uye vamwe vana vakabva muguta rino nekuti vabereki vavo vakarasikirwa nemabasa,” vanodaro VaRoland Sibanda vanove mukuru weMosi-oa-Tunya High apo vaizivisa Mai Thabela nezvemamiriro akaita chikoro chavo.

Muhurukuro yavakazoita nemunyori uno, Mai Thabela vanoti Hurumende pari zvino haizi kuziva huwandu hwevana vakasiira chikoro panzira nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Mamiriro ezvinhu aya haakwanisike kugadziriswa nechikamu chedzidzo chete. Pari zvino tiri kuzama kuti tiwane huwandu hwevana vakakanganiswa asi sezvauri kuona, vamwe vana vacho pavanotsakatika hatikwanise kunge tichivaronda nyore.
“Tinofanirwa kuvaronda uye toona kuti vakasiira chikoro panzira nekuda kwekuti vakashaya mari yekubhadhara kuchikoro nekuti vabereki vavo vakarasikirwa nemabasa here kana kuti vamwe vane zvimwe zvavave kuita zvinovararamisa.
“Kunzvimbo idzo dzinoitwa zvezvicherwa, unoona kuti vamwe vevana ava vave kuita zvezvicherwa,” vanodaro Mai Thabela.

Vanoti kunyangwe zvazvo pari zvino bazi ravo risina huwandu hwevadzidzi vakasiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, mamiriro ezvinhu aya anokonzera kushushikana kukuru.

“Senyika, tinoda kuzoti zvinhu izvi zvinorevei uye chokwadi zvinokonzera kushushikana, kunyanya nyaya yepa Mosi-oa-Tunya. Tinofanirwa kuona kuti vangani vana vakaenda kumisha yavo yekumaruwa nekuda kwekuti vabereki vavo vakange vasisashande uye kuti vangani vakasiya chikoro nezvimwe zvikonzero.

“Zvisinei, ino itemu yekunyora mazamanishoni saka panyaya yekuti chii chinofanirwa kutanga, tinofanirwa kutanga tagadzirira mazamanishoni. Saka boka rinoona nezvekufunda kwevana riri mushishi kuzama kuwana huwandu hwevana vakasiya chikoro nekudaro handisati ndawana gwaro rakazara pamusoro penyaya iyi,” vanodaro Mai Thabela.

Vanokurudzira vabereki kuona kuti vana vakasiira chikoro panzira vadzokera kunodzidza.

Share This:

Sponsored Links