
Muchaneta Chimuka
HURUMENDE inoti ine hurongwa hwakadzama hwekutsigira varimi vegorosi nezvikwanisiro zvinosanganisira mvura yemadiridziro nemagetsi kuitira kuti mabasa avo afambe zvakanaka uye vagokwanisa kurima mahekita 120 000 mwaka uno kana zvichienzaniswa ne91 000 egore rapera.
Vachitaura pamusangano wevarimi vegorosi wakaitirwa kuGlendale, mudunhu reMashonaland Central nguva pfupi yadarika, Professor Obert Jiri – avo vanova munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemadiridziro – vanoti kuvandudzwa kwehuwandu hwemadiridziro uye magetsi kuchabatsira mukusimudzira goho rechirimwa ichi.
“Takaona izvi seimwe yenzira dzinonyanya kushanda dzekuwedzera matura ezvekudya mushure mekusanaya kwemvura yakaringana zvichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.
Prof Jiri vanokurudzira varimi kuti mwaka uno vashandise nzvimbo dzose dzine mvura kuwedzera minda yekurima gorosi kuitira kuti pawanikwe goho rematani anosvika 600 000.
“Izvi zvinoreva kuti mwaka uno tinotarisira kuwana goho rakakura regorosi. Takatanga kupinza chibage kubva kunze kwenyika asi tichine chibage, gorosi negoho redzimwe mbesa dzetsanga diki mudura redu. Kana tichinge tisina kurima chibage chakawanda nekuda kwekushaikwa kwemvura, tinokwanisa kudya sadza regorosi zvichitofamba saka hatipererwi nekuti tinoda kuti nyika irambe iine maguta uye utano hwevanhu hunge huchisimudzirwa,’’ vanodaro.
Prof Jiri vanoti pari zvino gorosi riri mumatura rinosvika matani 244 705 kureva kuti rinodarika kakapetwa kaviri matani 105 800 anodiwa kusvika goho rinotevera munaGunyana.
“Mumwaka uno wechando, tiri kutarisira kuwana goho rakakura asi pari zvino nyaya huru ndeyekuona kuti ZINWA yawanisa varimi mvura uye GMB inofanirwa kuona kuti varimi vabhadharwa zvakakwana nenguva. Masangano ezvemari aripo mukutsigira varimi kuti varime gorosi rakawanda mwaka uno, dunhu reManicaland rakanangana nekurima 13 000ha, Mashonaland Central 28 000ha, Mashonaland West 34 000ha, Mashonaland East 20 000ha, Masvingo 5 000ha, Matabeleland North 2 500ha, Midlands 12 000ha neMatabeleland South 5 000ha. Varimi vegorosi vacharamba vachiwana mafuta avo edzimopta ayo anotengwa nemari itsva yemuno yeZiG sezvavaingoitwa panguva yemaBond Notes vachitsigirwa nesangano reAgriculture Marketing Authority (AMA),” vanodaro.
Mamwe mapoka anotsigira varimi anosanganisira CBZ Agro-Yield iyo ichabatsira mukurimwa kwe11 500ha, AFC Land Bank 16 000ha neNMB 2 500ha.

Daniel Chinyemba
VaDaniel Chinyemba, vanova sachigaro wesangano reZimbabwe Commercial Farmers Union, vanoti: “Tinogona kudarika goho regore rapera asi tinokumbira Hurumende ione kuti varimi vawana mari dzavo nekukasika kuitira kuti basa rifambe zvakanaka uye tinoda kurerutsirwa maringe nekubhadhara magetsi kuti tizobhadhara patinenge takohwa mushure memwedzi mitanhatu pane kubhadhariswa mwedzi nemwedzi.
“Tine zvikwereti zvakawanda kumabhanga saka tiri kukundikana kuzvibhadhara nokuti kwatinotengesera chirimwa chedu ichi kuGrain Marketing Board vanonoka kutipa mari dzedu.”

Mai Cheneso Ndoga
Mai Cheneso Ndoga, vanova national secretary kusangano reWomen in Agriculture, vanoti vanokumbira rutsigiro rwekuchererwa zvibhorani kuitira kuti vakwanise kurima nemadiridziro sezvo mvura yave kunaya shoma nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.
“Tinotenda zvikuru rutsigiro rwatinowaniswa neHurumende semadzimai asi tiri kuchema kuti zvirimwa zvedu zvakatsva nekuda kwezuva saka kana tikachererwa zvibhorani tinowana madiridziro torima kwegore rose. Rimwe dambudziko riripo ndiro rekushaya zvibatiso zvekupa vemabhanga nekuti midziyo mizhinji iri mumazita avanababa. Dai tawaniswawo mari dzezvikwereti zvatinokwanisa kuzobhadharawo nenguva,” vanodaro.

Engineer Gapa
Engineer Rungano Gapa, avo vanova station manager weZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company (ZETDC), vakachema-chema nenhau dzembavha dziri kuba tambo dzemagetsi.
“Pari zvino tiri kutobvisa tambo dzemhando yecopper tichiisa alluminum senzira yekuderedza nyaya dzekuparadzwa kwemidziyo yedu nematsotsi. Vari kuba pamasub-station zvekuti varimi vanogona kuita masvondo maviri kana matatu vasina magetsi izvo zvinokanganisa goho,” vanodaro.
Kurimwa kwegorosi muZimbabwe kwawedzera zvakanyanya mumakore achangopfuura nekuda kwerutsigirwo rwakasimba rweHurumende yeSecond Republic.