Hutungamiri pabasa

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Wedzerai  Nhemachena

KUBVIRA patanga Bembera Padare, zvizhinji zvataurika zvange zvakanangana nevatungamiri mudzimba, mumakambani pamwe chete nevanotungamira mapazi akasiyana-siyana ehurumende. Shungu yedare rino ndiyekuti kana hunhu hwevakuru hukatwasuka, hazvichanetsa kuti vadiki vatevedzere hunhu hwakanaka uhu.

Zvino mubvunzo ndiwoyu, anonzi mukuru munhu akaita sei? Vamwe vanoti munhu akakwindimara sekunze kune makore, uyezve anotyisa vanhu. Vamwewo vachiti munhu ane mumhu mukuru, ane simba remuviri rekuzvarwa naro. Vamwezve vanoti mukuru kana kuti mutungamiri ndiye uya anogona kutaura kudarika vamwe.

Vanhu vanodudzira nenzira dzakawanda. Zvino dare rino rinodudzira mukuru kana mutungamiri sezvinotevera.

Chekutanga, mukuru munhu anoratidza gwara rakanaka rekufamba naro kune vaanotungamira zvisineyi nemhumhu kana muvakirwo wake. Izvi zvinoitirwa kuti kana pari pabasa, mukuru azive pekufamba napo paanezenge asiiwa ari oga.

Kuratidza gwara zvinoreva kudzidzisa munhu maitirwo ebasa, kana kuratidza hunhu hwakanaka pabasa, kana kuteerera vamwe vachitaura. Ukasadzidzisa vaunotungamira basa, zvingagone kureva kuti newewo une hudera pabasa racho, kana kuti haudi munhu waunoshanda naye, kana kuti unotya kutorerwa basa nemunhu waunotungamira nokuti iwe pachako une hunyanzvi hushoma kune waunotungamira.

Chechipiri, uyu munhu anopa mukana wakaringana kune vaanotungamirira, pabasa asingaratidze rusaruro pakati pavo. Kuratidza rusaruro kudyara mhodzi yeruvengo pakati pevaunoshanda navo. Izvi zvinokonzeresa kuti basa risafambe zvakanaka sezvo rusaruro rwuchimutsa mhirizhonga mudzimba kana mumabasa.

Chechitatu, mutungamiri munhuzve anogara achishanyira panoshandira vari pasi pake nokugara achitaurirana navo zvebasa, kunzwa nhuna dzavo pamwe chete nekuziva dambudziko rezvikwanisiro zvepamabasa avo.

Izvi zvinobatsira kuti iye agare achiziva kuti vaanotungamira vanosangana nematambudziko api pabasa ravo, uyezve zvinobatanidza vanhu.

Chechina, mutungamiri pabasa anokurudzira vaanoshanda navo pamarwadzo avanosangana nawo pabasa nekumira navo pavanenge vawandirwa nebasa, pamwe nekuvapa tariro panguva inenge yooma zvinhu. Izvi zvinosimudzira vashandi ava nekurerutsa ndima.

Cheshanu, mutungamiri anogoverana zviwanikwa zvepabasa zvakaringana uye zvisina rusarura pane vose vaanoshanda navo. Haadye zviwanikwa zvepabasa oga. Izvi zvinobatsira kuti vari kutungamirirwa vazive kuti mukufara kana munhamo, mukuru wavo anomira navo neruenzaniso.

Chenjedzo:

Hukuru kana hutungamiri zvinoreva kunzwirana nevatinoshanda navo, kuratidza ruzivo rwezvinoitwa, nekuteverera uchiona kuti wauri pamusoro pake abata here zvaadzidziswa, nekunzwawo zvichemo zvake. Tikatyisidzira vanhu, nekusavabata sevanhu, tinotizwa nevatinotungamirira mudzimba kana mukambani.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey