Huwandu hwemhou hwodzikira

14 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Huwandu hwemhou hwodzikira VaTinashe Farawo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BAZI reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) rinoti huwandu hwemhou (ostriches) munyika huri kudzikira nekuda kwematambudziko akasiyana anosanganikwa nawo neshiri idzi mumasango nekuvarimi kwadzinopfuiwa.

VaTinashe Farawo vanova mutauriri weZimParks vanoti mhou dziri muzvikwata zviviri zvinoti dzinorarama dzoga kumasango eNational Parks nedzinopfuiwa nevarimi kumapurazi nekunzvimbo dzakasiyana.

“Kubva kare kose, mhou dzinova shiri huru pasi rose, dzaingochengetwa kumasango edu asi zvakazosanduka mumakore ekuma1980s apo varimi vakatanga kupinda mukupfuya shiri idzi rinova basa rinounza mari yekunze kuvarimi nekunyika,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro nderemoto wesango uri kupisa mazai eshiri idzi kumasango zvodzosera kumashure kuwanda kwadzo.

“Mhou kumasango edu eNational Parks dziri pakati pe2500 ne5 000 hunova huwandu hwatinotarisira kuti hukwire kubva apa. Dambudziko redu nderekuti tine vamwe vanhu vanotanga moto wesora kumasango aya wopisa mazai emhou munzvimbo dzaanenge ari uye imwe nguva nekupisa many’ana eshiri idzi zvinoita kuti huwandu hwadzo hurambe huchidzikira,” vanodaro VaFarawo.

Mhou dzinopfuiwa nevarimi dzinonzi dziri pakati pe45 000 ne50 000.

“Kuchikamu chevarimi shiri idzi, dzakambowanda apo varimi vazhinji vakatanga kudzipfuya mugore ra1985 zvichienda mberi. Asi iye zvino varimi vave kudzikira vari kuita basa iri nekuda kwezvikonzero zvisingazivikanwe,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti vari kushanda nesangano reEvironmental Management Agency (EMA) zvakanyanya kuitira kudzivirira moto wesango unoguma waparadza zviwanikwa nemhuka dzemasango.

VaFarawo vanoti mazai emhou anodyiwawo nedzimwe mhuka mumasango izvo zviri kudzorera zvakare kumashure kuwanda kweshiri idzi.

Mhou dzinonzi dzinotanga kukandira munaKurume kusvika Gunyana panguva inowandawo moto wesango sezvo sora rinenge rakawanda raoma zvinoita kuti mamwe emazai aya aparadzwe.

“Mhou dzinokandira mazai mashoma kana dzichitanga anobvira pa12 kusvika 18 pane dzinogara musango pagore.

Dzinopfuiwa dzinotanga nekukandira mazai 10 kusvika 20 pagore, dzinozowedzera mazai aya nekufamba kwenguva nemakore adzo uye dzoguma dzave kukandira akawanda,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti mhou dzinogona kurarama makore ari pakati pe30 kusvika 40 kana pasina tsaona yadzasangana nadzo.

“Tinokurudzira vanhu vanoda kupfuya shiri idzi kuuya kumahofisi edu eZimParks tovadzidzisa zvinodiwa vozviwanira mari yavo. Shiri idzi dzinodya huswa, tumbuyu, nezvimwe zvinorarama mumasango kunyangwe zvazvo nenguva dziri kure dzichidya nyama,” vanodaro VaFarawo.

Vanotiwo kune vamwe vanoita zvechivanhu vanotora mazai emhou vachiashandisa zvakasiyana izvo zviri kukonzerawo kudzikira kwehuwandu hwadzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey