Uncategorized

Huya tipedzerane: Zvidhoma

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Huya tipedzerane: Zvidhoma

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemubhuku raKadenge, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — wekubuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achiti ari kuoneswa ndondo nezvidhoma — anoti ave kufunga kuzviuraya sezvo dambudziko iri ratowedzera kudarika kare sezvo zvinhu zvinofungirwa kuti zvinotumirwa nevaroyi izvi zvava kuti zvinotoda kupedzerana naye.

VaMaxwell Caleb Kadenge (45), avo vakatizwa nevanasikana vavo zvose nemudzimai nekuda kwekuti vaishungurudzwa nezvidhoma izvi, vanoti zvinhu izvi zvava nehasha kubva pakabuda nyaya iyi mubepanhau rino.

Murume uyu anoti zvidhoma izvi zvinotungamirirwa nechikuru chacho chinogara chakapfeka sutu uye chine mazindebvu marefu.

Dzimwe nguva zvidhoma izvi zvinonzi zvinonotambira paguva raamai vake zvichiumburuka ipapo.

VaKadenge vari kugara vachiridza nhare kumutori wenhau uno vachiti vashaya zano rekuita nekuda kwezvidhoma izvi.

“Mukoma, kubva pamakaburitsa nyaya iya, zvidhoma zviya zvatova worse.

“Zvave kuuya nemasikati machena tichitonzwa zvichichema nekuimba zviri pamusoro pemba apo zvinodzana kutamba zvichiita sekunge zvichawira mukati memba.

“Dzimwe nguva husiku zvave kundishevedza nezita rangu zvichinditi buda panze tipedzerane wakazviti unoziva sitereki, manje uchatama chete,” vanodaro.

Vanoti varoyi vave kuuyawo pamwe chete nezvidhoma, mapere, nyoka nemazikatsi vachisvikoitira misangano yavo pachivanze chepamba pavo.

“Musi weSvondo wadarika, ndakanzwa kuimba kune ruzha rwiyo rwaiimbwa nechirudzi chandisingazive, ndokudongorera nepahwindo kuma12 husiku ndikaona chivanze chakasviba kuti ndoo nemhuka nevanhu vairatidza kuti vakanga vasina kupfeka.

“Pakazobuda izwi rekamwana kadiki kandisina kuona iro raitaura kuti nhingi enda nanhingi munoita zvakati. Ini ndave kuona zvangu zvakanaka kuti ndizviuraye pane kugara upenyu hwakadai,” vanodaro VaKadenge.

Murume uyu angosara achigara nemwanakomana wake mumwe chete, Rodney Kadenge (24).

“Chiunzai dzingava n’anga kana maporofita anogona kundibatsira zvidhoma zviya nevaroyi vave kuda kundiuraya kuti ndavafumurire chiiko. Muchangonzwa kuti ndafuma ndakafa nemwana wangu tose,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links