Hwindi aruma mupurisa

17 Dec, 2022 - 08:12 0 Views
Hwindi aruma mupurisa Dare

Kwayedza

Mashudu Mambo

MURUME ane makore 25 ekuberekwa anova hwindi wekuCowdray Park, kuBulawayo, aendeswa kudare nemhosva yekumanikidza vanhu kuti vapinde mumotokari yake pamwe nekuzoruma mupurisa aida kumusunga.

Nhlanhla Khumalo amiswa pamberi pemutongi VaBusani Sibanda uye ari kutongwa ari muchizarira.

Achadzoka kudare nemusi wa30 Zvita.

Dare ranzwa kuti nemusi wa23 Mbudzi nenguva dza12:50 masikati, Marvelous Ndlovu anova mupurisa nevamwe vake vaiva pabasa vachitenderera muguta reBulawayo.

Vave kusvika kumugwagwa wa6th Avenue, vakaona Khumalo achishevedzera vanhu kuti vapinde mumota yake.

Mapurisa aya anonzi akanyepedzera kuita sevanhu vaida kukwira mota yake ndokupinda muHonda Fit yaienda kuMatopo.

Apo vakapinda mumota, vakabva vazvizivisa kuti mapurisa ndokutaurira Khumalo kuti akanga asungwa.

Vakamutaurira kuti aende kukamba yemapurisa yeBulawayo Central Police Station.

Khumalo anonzi akaramba zvose zvaaitaurirwa kuti aite nemapurisa ndokutyaira motokari yake akananga kwakasiyana nekwaainzi aende.

Anonzi akataurira mapurisa aya kuti aienda kune mumwe mugodhi wezvicherwa uri kuMatopo uko aida kunovapa chidzidzo chavasingafe vakakanganwa muupenyu hwavo.

Apo akasvika panosangana migwagwa 4th Avenue naJoshua Mqabuko Nkomo, Ndlovu akaedza kumusunga asi Khumalo anonzi atanga kudya marasha nekupengereka.

Khumalo anonzi akabata zvine simba ruwoko rwaNdlovu achibva amukakatyura kumuruma kamwe chete.

Mumwe mupurisa aive mumotokari iyi ndiye akazokwanisa kumusunga.

Share This:

Sponsored Links