Hwindi azvivhura dumbu, ndokuburitsa hura achiti mune katsi

15 May, 2024 - 11:05 0 Views
Hwindi azvivhura dumbu, ndokuburitsa hura achiti mune katsi Blessing Mudimu mushure mekuzvicheka dumbu nebanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vemudhorobha reChegutu, kudunhu reMashonaland West, vakasara vasina neremuromo mangwanani emusi weChipiri chino apo murume ane makore 28 ekuberekwa wemunzvimbo iyi akazvicheka dumbu rake nebanga rikavhurika, hura hwose ndokuwodzoka panze, achibva azofa.

Anonzi akaita mashura aya apo aiti aida kuburitsa katsi yaainge amedza.

Blessing Mudimu, uyo aiita basa rekugera panzvimbo yemabhizimisi iri muChegutu uyewo achiitawo zvechihwindi, anonzi aitora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro nembanje izvo aitengesera veruzhinji zvekare.

Inspector Ian Kohwera, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya inoshamisa iyi yakaitika nezuro (Chipiri) kuChegutu apo Blessing Mudimu aigara panhamba T11 muChegutu Location, anonzi akatora banga, ndokutanga kucheka dumbu rake achitaura kuti aiva amedza katsi iyo aida kuburitsa mudumbu rake.

“Akazvicheka vanhu vakatarisa kusvikira aburitsa matumbu ake kunze achizvisunga makumbo nawo,” vanodaro Insp Kohwera.

Blessing Mudimu mushure mekuzvicheka dumbu nebanga

Vanoti mashoko emurume uyu akashamisa ruzhinji rwaivepo ekuti aiva ambomedza katsi.

“Murume uyu anofungirwa kuti akanga ava kurwara nepfungwa nekuda kwemaitiro ake. Akazosungwa nemapurisa vachiita zvekurwisana naye ndokuzotakurwa neamburenzi kuendeswa kuchipatara cheChegutu uko akazodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals asi akasvika achifa ava kubatsirwa,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanhu vakaona murume uyu achizvicheka vanonzi vakatya kumudzivisa sezvo aivavhundutsira nebanga iro aiva naro.

Inspector Ian Kohwera

Insp Kohwera vanokurudzira veruzhinji vanogara nevarwere vepfungwa kuti vapote vachienda navo kuzvipatara vachinoongororwa pamwe nekupihwa mishonga yavo inovadzikamisa.

“Kune vanoziva kuti hama dzavo dzinopesana pfungwa, vanofanirwa kugara vachienda navo kuzvipatara uyewo tinokurudzira vechidiki nevamwewo kuti vasiyane nekutora zvinodhaka, kunyanya iwo mutoriro netumwe tudoro tusina hunhu,” vanodaro Insp Kohwera.

Mai Annah Mukosi (35), avo vanova amainini vaMudimu, vanotsinhira kuti mwana wavo aitora mutoriro inova nyaya yavanoti yakambomuendesa kujeri.

VaJealous Kauzwe (40), murume waMai Mukosi, vanotiwo upenyu hwairaramwa nemwana wavo hwaiva husina kuita zvakanaka.

“Mwana wedu afa rufu rwunorwadza chokwadi . . . kuzvicheka-cheka akasvinura, ibasa remutoriro waaitora. Vabereki vake vose, baba naamai vakashaika, mudzimai wangu Annah Mukosi ndiye amai vaasara navo saka ndichimuti mwana. Akaenda kujeri kwemakore maviri nenyaya yekutengesa mutoriro nezvimwewo,” vanodaro VaKauzwe.

Vanoti pamba paaigara ainetsana zvekare nevamwe.

“Nyaya yekuti aive orwara nepfungwa zvingangodaro zvakanga zvava kukonzerwa nekutora mutoriro, asi nguva yose iyi aiva munhu kwaye. Anga asina mudzimai kana mwana sekuziva kwangu,” vanodaro VaKauzwe.

Vanokurudzira vechidiki kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey