Uncategorized

Hwindi ogara mukombi, musango

10 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Hwindi ogara mukombi, musango Prince Medzai ari mukombi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUMISWA kwakaitwa vemakombi kushanda nehurumende nekuda kwedanho rekurwisana nekupararira kwedenda reCovid-19 kwasvitsa mumwe murume ane kombi yake pakaomarara sezvo achiti ave kudya nhoko dzezvironda achigara mukombi pakati pesango.

Prince Medzai (39) anoti achoboka zvekushaya kana mari yekuroja imba neyechikafu.

Medzai — uyo anobva kwaMambo Nhlamba, kuGwanda uye aimbobata mazimari pazuva apo ainge achashanda — amedzwa nenhamo zvekusvika pakugara mukombi yake imire panosangana migwagwa Second Street Extension naDeary Street, kuBelgravia muguta reHarare.

Murume asina mudzimai nevana uyu ava kutora nzvimbo iyi semusha wake sezvo akatorima muriwo nezvimwe pasango apa.

“Kuomerwa mukoma ndiko kwakaita kuti ndizogara pano nekuti handisisina mari yekubhadhara rendi kumba kwandaigara kuChitungwiza.

“Ndakatanga ndichigara mukati meguta reHarare apo ndaingorara mukombi mangu,” anodaro Medzai.

Murume uyu anoti airoja kuUnit G apo anoti akazobva mushure mekuomerwa — nhamo ndokuzonyatsomutamba tsvina pakamiswa makombi kufamba.

“Hapana asingazive kombi yangu mumugwagwa weHarare-Chitungwiza uko ndaitakura vanhu, iyoyi Road Troopers. Ndakatanga ndabirwa US$35 000 mugore ra2016 iyo ndaichengeta ndichida kuzotenga mamwe makombi nekutangawo rimwe bhizimisi kusvikira ndave kugara mumigwagwa

“Ndakauya mumwedzi waKukadzi gore rino zvekuti lockdown yakazotanga ndatova pano,” anodaro.

Medzai anoti kombi iyi akaitenga mugore ra2013 nemari yemudyandigere iyo akapihwa kuAir Zimbabwe uko aiva “aircraft sheet metal worker” achigadzira mutumbi wendege.

“Ndakabuda basa mugore ra2009 mari yangu ndokuzobuda ndikatenga kombi iyi kuMessina neUS$8 500. Asi mari handisisina, apa makombi akarambidzwa kufamba,” anodaro Medzai.

Murume uyu ane chitambi chekutyaira cheClass 2 uye akadzidza kusvika Form 6 aine diploma reAircraft Engineering.

Mbatya dzake kusanganisa magumbeze nezvekubikira zvinogara mukombi umo anorara.

Anoti chishuwo chake ndechekuti dai awana basa kunyange rekutyaira sezvo aine pasipoti isati yapera sezvo achiti anogona kutyaira magonyeti nedzimwe motokari duku.

Nekuda kwematambudziko aya, Medzai anoti akatadza kunochema hanzvadzi yake yakafira kuSouth Africa akanovigwa kumusha kwavo kuGwanda.

“Amai vangu Nomsa Medzai ndivo vanombonditumira mari, izvozvi svondo rakapera vakandipa $700.”

Zvakadai, mukuru wemahwindi muHarare VaSolomon Mandela vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Big Solo, vanoti murume uyu vanomuziva vachiti nyaya yake ine minyama mukati. “Ndinomuziva Medzai, muridzi wekombi yeRoad Troopers. Aimboita zvakanaka zvikuru ndokuzonzwa kuti zvinhu zvake zvadhakwa,” anodaro Mandela.

Mutauriri wekanzuru yeguta reHarare VaMichael Chideme, vanoti imhosva kuti munhu anongogara pasina mvumo yekanzuru izvo vanoti vachaona zvekuita kuti murume uyu abviswe panzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links