Uncategorized

Hwindi tasa Pamakwikwi Ekunwa doro . . . Vamwe 7 vakafefemukira muchipatara

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Hwindi tasa Pamakwikwi Ekunwa doro . . . Vamwe 7 vakafefemukira muchipatara Insp Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anga achishanda sahwindi kumakombi ekuCentenary anonzi akafa nguva pfupi yadarika mushure mekunwa doro zvakadarikidza pamutambo wekufadza makasitoma uyo wakaitwa nemumwe muzvinhabhizimisi weko.

Mamwe mahwindi manomwe ainwawo hwahwa uhu akanoponera kuchipatara.

Njodzi iyi yakaitika pabhawa reMandula Beerhall panzvimbo yemabhizimisi yeSt Alberts uye murume wekufa akanoshaikira kuchipatara cheSt Alberts Mission.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nezvekufa kwaLloyd Sandiyani (30) uyo aigara paPlot 8 papurazi reRange, ikoko kuCentenary kuburikidza nekunwa doro zvakadarikidza.

“Tine tsaona yakaitika nemusi wa16 Nyamavhuvhu pabhawa reMandula rinova ramuzvinabhizimisi watakangoziva nekuti Washie. Mahwindi anonzi akaenda pabhawa iri apo vanogara vachinwira uye muridzi webhawa iri akada kuvafadza nekuvapa doro senzira yekuvatenda nekumutsigira mubhizimisi rake.

“Mahwindi aya anonzi aisvika 8 uye vakapihwa doro remutumagaba twema200mls apo vakatanga kunwa kubva kuma8 dzemangwanani,” vanodaro Insp Mundembe.

Mahwindi aya anonzi ainwa doro iri risina kusanganiswa nezvimwe zvinwiwa.

Sandiyani anonzi akazoba tumwe tudoro utwu twuri twuna ndokubva atiza natwo ndokutanga kutunwa oga.

“Mukati mevanhu 8 ava, vamwe vainwa doro nemuchakabvu vanosanganisira Lovemore Rice (33), Richard Simon (32) naProsper Chigogo (32) vose vanobva mubhuku raJogo, kwaMambo Chiweshe, vaine vamwewo.

“Muzvinabhizimisi uyu kuratidza mufaro wake, anonziwo akapa varume ava sadza iro Lloyd anonzi haana kuridya sezvakaitwa nevamwe vake,” vanodaro.

Sandiyani — uyo anonzi akanga asvika panzvimbo yemabhizimisi iyi achiratidza kuti kune kwaakambenge anwa doro — akanodhudhudza tudoro utwu turi twuna ari kwake oga.

Anonzi akazoonekwa naEddison Chimutsa pachiteshi chemakombi chepaSt Alberts akafenda apo vamwe vake vainge vakadhakwa zvekutadza kufamba.

“Apo zvakaonekwa kuti varume ava vakanga vakurirwa nedoro, Lloyd Sandiyani, Lovemore Rice, Richard Simon naProsper Chigogo vakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheSt Alberts uko Lloyd akasvika achifa, vamwe ndokurapwa vachibva vafefemuka ndokudzoswa kumba,” vanodaro.

Insp Mundembe vanoti doro harirambidzwe, asi vanhu vanofanirwa kunwa zvine mwero uyewo vachitanga vadya. “Muzvinabhizimisi uyu aida kufadza vanhu vanogara vachitenga mubhawa rake nekudaro hapana chaakanganisa. Ikurudziro yedu kuti vanhu pavanonwa doro riya rine simba varisanganise nezvimwe zvinwiwa uyewo votanga vadya, kazhinji chikafu chinodziya.

“Tinotiwo vanhu ngavanwe doro rinokurudzirwa nemutemo wenyika sezvo tiine rimwe risingatenderwe. Chionai kuti murume uyu akatisiya nekunwa doro uye hama, dzimwe nguva mudzimai nevana, vave kusara vachitambura baba pasisina nezvinhu zvatinogona kunge tichisiya,” vanodaro Insp Mundembe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey