Uncategorized

‘Ichi ndicho chivanhu’

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Ichi ndicho chivanhu’ Sekuru Katerere

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVI munyaya dzezvechivanhu dzinoti zviri kuitwa nemombe yeimwe mhuri yekuSanyati — zvekupazira mudzimba dzevanhu ichipinda mukati nekudya zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira nyama nekurara pamubhedha zvine chekuita nechivanhu.

VaGeorge Kandiyero — avo vanove mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZinatha — vanoti kune zvakawanda zvinokwanisa kuitwa kuzvipfuyo dzingava mombe kana zvimwewo kuburikidza nekuturikwa mweya yakaipa.

“Kune vanhu vanoshereketa mukurarama avo vanoshandisa mishonga yakaipa, mweya wemunhu akafa chaiye unokwanisa kutandirwa pangava pambwa kana pamombe.

“Kana mweya wengozi unogona kuiswa pamhuka uye diramhamba remusha rinogona kuita masaramusi akaita saiwaya. Asi tinoti kumhuri iyi ikurumidze kufamba vatsvage zviri kuitika kumombe yavo,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Bonface Katerere vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti pane zvakawanda zvinogona kuitika pamombe iyi – zvose zvine chekuita nechivanhu.

“Tine mombe dzakatumidzwa nekugadzwa mazita emadzisekuru kana madzitete edu akashaika dzinodaro. Mombe idzi dzine nguva yekuteurwa kana yasvika dzinoita mashiripiti sezviri kuitwa nemombe iyi inenge yave kuda kuteurwa. Saka inoguma yave kupinda mudzimba sezviri kuitika kuti vanhu mukwanise kufamba muchivanhu.

“Inoda zvakare kupota ichitengerwa machira matsva emudzimu ichifukidzwa nawo apo panobikwa doro yodirwa,” vanodaro.

Sekuru Katerere vanoenderera mberi: “Kana mombe iyi isiri diramhamba kana kuti ngunzi yemusha, zvinoreva kuti pane kuromba kuripo mumhuri ine mombe iyoyi – kungava kumuridzi wayo kana kuti kuhama – nekuti zvakadaro hazvifanirwe kuitwa nemombe nekuti iyi yatova munhu.”

Vanoti kazhinji kana mombe iri idaramhamba, kana yave kuita mashiripiti inenge yave kuda kuuraiwa apo munhu anenge achisvikirwa nemudzimu unenge wakatumidzwa zita pamombe iyi anozonwa ropa racho.

Madzibaba Bond Bornservia Gumira (31) vechechi yeJohane Masowe yeJerusarema vekuUnit N, kuChitungwiza, vanoti mweya yakaipa inobata kuvanhu zvose nekumhuka.

“Saka muchiona varoyi vachishandisa mhuka mukuroya kureva kuti hazvina kuti imhuka ipi inokwanisa kushandiswa mumabasa ehuroyi sezviri kuitwa mombe iyi.

“Yatova muroyi, makamboona kupi mombe inopinda mumba ichidya sadza nenyama yotonwira mvura? Shuwa mombe kurara pamubhedha? Mhuri iyi ngaifambe,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey