ID yemupurisa yamuparira

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
ID yemupurisa yamuparira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wekuita chikiribidi chekufamba makore manonwe achishandisa chitupa chebasa chemupurisa (police identity card) akaigochera pautsi apo akasungwa mushure mekuonekwa ainacho paakamiswa nemapurisa mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuMasvingo.

Bothwell Hwatura (36) wepanhamba 24 Donodzo, kuMufakose, muHarare svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Methel Mabika, ndokupihwa chirango chekubhadhara $5 000 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi miviri.

Hwaturo akatongwa nemhosva yekuwanikwa aine magwaro asiri ake.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nemusi wa7 Kukadzi pachinhambwe che57km mumugwagwa unobva Harare wakananga kuMasvingo, Hwatura akamiswa nemapurisa emumugwagwa vachibva vamubvunza rezinesi rekutyaira rinova raakaburitsa. Panguva yaaiburitsa rezinesi iri muchikwama chake, mapurisa akabva aona aine chitupa chebasa chemupurisa weZimbabwe Republic Police anonzi Sergeant Goredema chine nhamba dzinoti 046552A.

Hwatura, uyo anoshanda semutyairi kukambani yeWatlock, aityaira motokari yerudzi rweToyota Dyna ine nhamba dzinoti ACT 8710 paakasungirwa nyaya iyi.

Mupurisa akakumbira kutambidzwa chitupa chaive muchikwama chake ndokuona kuti zita raive parezinesi nerepachitupa chebasa chemupurisa zvainge zvakasiyana zvikaita kuti amusunge.

Mukuedza kutiza mhosva iyi, Hwatura akaudza dare kuti akapihwa chitupa ichi nemuridzi wacho mugore ra2014 kuti achichengetedze.

Share This:

Sponsored Links