Idai: Tisamire kubatsira

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Idai: Tisamire kubatsira

Kwayedza

ZIMBABWE pari zvino iri mushishi kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remvura yemafashamu yaive nedutumupengo rinodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai kumatunhu anoti Manicaland, Masvingo neMashonaland East.

Vanhu vakafa nokuda kwemafashamu aya munyika muno vasvika pa344 uye vamwe vakawanda ndokukuvadzwa apo misha nezvimwe zvivakwa zvakaparadzwa.

Njodzi iyi – iyo yakaparadzawo kunyika yeMozambique pamwe nekuMalawi – yakaita kuti vanhu varasikirwe nezvakawanda zvikuru.

Cyclone Idai yakaparadza dzimba, makiriniki, zvikoro, migwagwa nemazambuko ndokuziya ruzhinji rwusisina zvekudya.

Zvipfuyo nemimwe midziyo yemumba zvakaeredzwawo, zvimwe zvikafushirwa nemadhaka nemazitombo akaburuka kubva mumakomo.

Kune vamwe vanhu vakasara vasina chavainacho – kubvira kuimba yokugara, mbatya, zvekudya nezvipfuyo.

Vanhu ava havakwanise kunge vachizviriritira sezvavaiita kare nekuti pfuma yavo yose yakaparadzwa ndokusara nehembe dzavainge vakapfeka chete apo vakararama munjodzi iyi neburi retsono.

Mamiriro ezvinhu aya anoreva kuti pane basa guru rinofanira kuitwa mukubatsira matunhu akawirwa nemafashamu aya.

Hurumende yakatoumba komiti iri kuona mafambisirwo ari kuitwa zvirongwa zvekubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi ava.

Dzimwe nyika, makambani nemapoka akasiyana nevanhu vakazvimirira vose vari kuita chirwirangwe chekubatsira vanhu ava.

Izvi zvinofanira kukudzwa zvikuru nekuti dambudziko iri harizi reavo vari kumatunhu akadai seManicaland, Masvingo neMashonaland East bedzi asi kuti nderemunhu wose nekudaro zvakanaka kuisa misoro pamwe chete mukuyamura vari kuda rubatsiro.

Vanhu vari kumatunhu aya vanoda zvekudya, zvekupfeka, magumbeze, mishonga yekurapa, mvura yakachena nedzimba dzekugara dzakasimba nekudaro vane tsiye nyoro vanofanira kuramba vachibatsira nekuti Hurumende yoga haingazvikunde.

Migwagwa yakaparadzwa inoda kugadzirwa pamwe nemazambuko acho uye zvose izvi zvinoda mari.

Pari zvino kune dzimwe nzvimbo dziri kuChimanimani dzinonzi hadzisati dzave kusvikika zvakanaka nekuda kwekuti migwagwa nemazambuko zvakaparadzwa.

Izvi zvinoreva kuti hazvisi nyore kuti rubatsiro rwezvekudya nezvimwe zvinge zvichisvika kunzvimbo dzakadai sezvo kusiri kufambika.

Kune zvikoro, makiriniki nezvipatara zvakaparadzwawo mumafashamu aya izvo zvinofanirwa kuvakwa patsva.

Zvikoro zveko zvakatovharwa nekukasika uye zvichavhurwa masvondo maviri temu yechipiri isati yatanga.

Kureva kuti kusvika panozovhurwa zvikoro izvi, basa rose rekuvaka zvakaparadzwa rinofanira kunge rapera.

Ino ndiyo nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvakabatana mukubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi ava.

Zvinorwadza kunzwa kuti kune vamwe vave kuita mawoko marefu vachiba zvimwe zvinhu zvinofanirwa kunge zvichibatsira vanhu vakasangana nedambudziko ava.

Vakadai ava havana kumbosiyana nevaroyi nekuti chokwadi ungabe magumbeze kana mbatya dzevanhu vasina chekupfeka kana chekufuga panguva iyoyo?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>