Idai: Tose tine basa

22 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

NYIKA yeZimbabwe izere nekusuwa kukuru.

Izvi zvinotevera njodzi yakaunzwa nekuda kwemvura ine dutu guru nemafashamu inodaidzwa kuti Tropical Cyclone Idai iyo yakauraya vanhu nezvipfuyo ndokuparadza zvivakwa neminda kumatunhu anoti Manicaland, Masvingo nekuMashonaland East.

Mafashamu aya akaparadzawo kuMozambique – uko kunofungirwa kuti kwakafa vanhu vangangodarika 1 000 – nekuMalawi.

Kutaura kuno, Zimbabwe iri mushishi kubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi yemafashamu eCyclone Idai.

Kusvika pari zvino Tropical Cyclone Idai inonzi yauraya vanhu 98 vemuZimbabwe – vazhinji vacho vari vekuManicaland – uye kune vanhu vakawanda vasati vawanikwa, vamwe vanofungirwa kuti vakakukurwa nemafashamu aya, mitumbi yavo ndokunokanwa kuMozambique.

Kune vamwewo vanonzi vachiri mumakomo umo mavainge vanopotera vachitsvaga nzvimbo dzakakwirira.

Matunhu anoti Chimanimani neChipinge ndiwo akanyanyisa kuparadzwa uko mamwe makomo akawondomoka ndokusara kusisina migwagwa nemimwe misha ikafushirwa.

Zvinorwadza zvikuru kuti vanhu vakawanda kudai vakarasikirwa neupenyu nekuda kwemvura ine dutu iyi.

Kunze kwekurasikirwa neupenyu, cyclone iyi yakonzera zvakare kuparadzwa kwezvivakwa zvakaita sezvikoro, mazambuko nezvimwe zvinosanganisira magetsi. Zvipfuyo neminda zvaparadzwawo nemvura ine dutu iyi.

Cyclone iyi inonzi yakabva nekuMozambique uko yakauraya vanhu vakawanda pamwe nekuparadza zvivakwa.

Kutaura kuno Hurumende yeZimbabwe iri mushishi kubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi iyi. Kubva nemusi weChipiri, mutungamiri wenyika President Mnangagwa – avo vakagurira rwendo rwavo rwebasa panzira urwo vainge vaita kunyika yeUnited Arab Emirates (UAE) mushure mekunzwa nezve dambudziko iri – vari kuManicaland uko vari kutungamirira mabasa ekuona kuti vanhu vakawirwa netsaona iyi vanunurwa uye vawaniswa kudya nezvose zvinodiwa.

Panewo chikwata chemakurukota chakatogadzwa kuitira kuti chione kuti vose vari panjodzi vabatsirwa nekukasika.

President Mnangagwa vakashanyira dunhu reManicaland nechinangwa chekunozvionera voga mbune kuti vanhu vakawirwa nedambudziko ava vabatsirwa nekukasika. Hurumende iri kuendesa zvekudya, mishonga yekurapa nekuvhura migwagwa nechinangwa chekubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi ava.

Kubatana kweZimbabwe kwaonekwa patsaona iyi.

Makambani, machechi nevanhuwo zvavo – kusanganisira vana vezvimwe zvikoro – vabatana nechinangwa chimwe chete chekubatsira vamwe vedu vari panjodzi. Izvi zvinokudzwa.

Dzimwewo nyika dzinoshamwaridzana neZimbabwe dziri kubatsira zvikuru.

Nemusi weChipiri, nyika yeTanzania yakatumira ndege izere nerubatsiro. Nyika yeUAE, uko kwange kwashanya President Mnangagwa, yakatumirawo zindege rizere nerubatsiro nemusi weChitatu. Ndidzo shamwari kwadzoka idzi!

Hama dzevakafa nekuda kwedutu iri dziri kubatsirwa zvakare nemari yekuvaviga pamwe nezvimwe zvinodiwa parufu.

Hurumende yoga haingakwanisi kupedza dambudziko iri sezvo riri guru nekudaro rinoda muonera pamwe.

Ino ndiyo nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviise misoro pamwe chete nekubatsira vakatarisana nenjodzi iyi.

Zvinoreva kuti vose vanokwanisa kutambanudza mawoko avo vanofanirwa kubatsira panguva yakadai.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey