Idai yakaparadza matomatisi

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Idai yakaparadza matomatisi Dunhu reManicaland rinonzi rinogona kutarisana nedambudziko guru rekushomeka kwematomatisi sezvo chikamu chinosvika 70 percent chechirimwa ichi chinonzi chakaparadzwa nemvura yemafashamu yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.

Kwayedza

Munyori weKwayedza
DUNHU reManicaland rinonzi rinogona kutarisana nedambudziko guru rekushomeka kwematomatisi sezvo  chikamu chinosvika 70 percent chechirimwa ichi chinonzi chakaparadzwa nemvura yemafashamu yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.

VaDouglas Nzarayebani avo vanove Agritex horticulture and tobacco specialist vanoti mamiriro ezvinhu aya awedzerwa nenyaya yekuti varimi vakarima matomatisi vashoma zvikuru mwaka uno.

“Matomatisi akaparadzwa neCyclone Idai munzvimbo dzakawanda dzeManicaland nekudaro tinogona kutarisana nedambudziko rekushomeka kwematomatisi. Izvi zvinogona kukanganisa zvikuru varimi vadiki avo vanorarama nekurima matomatisi,” vanodaro.

VaNzarayebani vanoti mamwe ematomatisi aya ari kubatwa nezvirwere zvinosanganisira late bright izvo zvinogona kukonzera kudzikira kwegoho kwakanyanya mukati mesvondo rimwe chete nekudaro panoda kutorwa matanho echimbi-chimbi ekurwisa zvirwere izvi.

Vanoti kurimwa kwematomatisi kwadzikira kubvira makore adarika uyewo vari kuchema-chema nekushaikwa kwemichina yekugaya chirimwa ichi pachigadzirwa zvakasiyana mudunhu ravo.

“Panoda kutorwa matanho ekukasika ekusimudzira kurimwa kwematomatisi. Tine varimi vanorima matomatisi ekutengesa munharaunda dzakavapoteredza nevamwe vanotengesera kunyika dzatakatikomberedza asi havawedzere mahekita avanorima. Hazvisi nyore kuti tizivise hukuru hwemahekita eminda yematomatisi akaparadzwa neCyclone Idai asi tiri kuedza pose nepatinogona kuti tinge tichiwana ruzivo urwu,” vanodaro.

VaNzarayebani vanoti mitengo yematomatisi inotarisirwa kuramba ichikwira nekuda kwekushomeka kwechirimwa ichi uko kunogona kuitika.

Zvichakadai, varimi vemacadamia nuts kuChipinge vanonzi vanogona kutadza kuwana goho ravange vakatarisira rematani 9 000 zvichitevera mwaka usina kumira zvakanaka nekuda kwemhando yechirimwa ichi uye nekudzikira kwehuremu zvichikonzerwa nekushomeka kwemvura yekunaya.

Izvi zvinogona kuita kuti varimi varasikirwe nemukana wekutengerwa macadamia nuts neimwe kambani yekuChina.

VaNzarayebani vanoti varimi vakatotanga kare kukohwa zvirimwa zvavo uye vari kunyanyotarisa mhando yacho.

“Varimi vemacadamia nuts varasa tariro yekuwana goho ravo rematani 9 000 mwaka uno nekuda kwemvura yakambotora nguva yakareba isinganaye izvo zvakanganisa chirimwa ichi apo chakange chave panguva yekubereka. Varimi vakatotanga kare kukohwa, kunyangwe zvazvo vachiri kuda kuwedzera zvavanorima, vari kushushikana nekutadza kwavo kuwana mari yekunze iyo yakakosha zvikuru mukufambiswa kwebasa ravo,” vanodaro.

Chirimwa ichi chasimudzira zvikuru varimi vekuChipinge sezvo vachiwana mari inovapa pundutso mushure mekuchitengesa.

Muti mumwe chete wemacadamia nuts unoburitsa 20 kgs dzechirimwa ichi apo kg imwe chete inotengeswa ne$4 uye murimi anogona kuwana mari iri pakati pe$25 000 ne$30 000 pahekita imwe chete.

Macadamia nuts anonyanya kutengwa kunyika yeChina uye chirimwa ichi hachidi kufiritwa nemishonga yakawanda sezvinoita masamba izvo zviri kuita kuti varimi vakawanda vekuChipinge vafarire kuchirima.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey