Idya mupunga neminzi

23 Sep, 2021 - 12:09 0 Views
Idya mupunga neminzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MINZI kudya kwemazera ose sezvo kuri nyore kutsenga uye kune mapuroteni ayo akakosha pautano hwemuviri.
Svondo rino Juliana Tafirei wekuKwekwe anorondedzera mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:
Minzi, mafuta, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto nepani

Mabikiro:
Isa minzi mupani, woisa mvura shoma nemunyu wakaringana.
Chekerera hanyanisi nematomatisi.
Isa mafuta mashoma nekuti minzi dzagara dziine mafuta adzo nakare.
Chiisa godzamuto wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi.
Kana dzaibva, dzinoita muto wakakorera.

Wozodii?
Bura wochidya nemhuri. Minzi dzinodyiwa nemupunga kana nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links