Idya nhopi yemanhanga

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Idya nhopi yemanhanga

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
NHOPI yemanhanga inhapitapi chaiyo kana ikabikwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino Mai Pedzisai Mushuku vekuMasvingo vanodonongodza mamwe mabikirwo enhopi yemanhanga.

Zvinodiwa?

Manhanga, banga, dovi, tsvigiri (shuga)

Hari kana poto neupfu huchena.

Mabikiro:

Tsetsa kana kuti feta manhanga nebanga rakachena.

Chigeza manhanga woacheka-cheka kuita zvidimbu zvidiki. Isa mupoto kana hari ine mvura yakaringana woakwatisa kusvikira aibva.

Kanda twuupfu twushomanana womona. Kana nhopi yave kuibva, isa dovi womona nemugoti kusvikira zvasangana.

Kanda twushuga twushoma womona zvakare nekuti mamwe manhanga anogona kunge asinganaki. Asi vamwe havaisi shuga.

Wozodii?

Kana zvashinyira pamoto, mona zvakare usati wabura. Nhopi yemanhanga inogona kudyiwa yakadaro asi vamwe vanoida nenyama.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links