Ihondo yedu tose

28 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Ihondo yedu tose

Kwayedza

Kingstone Mapupu 

SANGANO rinomirira vaimbova anamujibha nanachimbwido, reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO), rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka (61) vanova munyori mukuru wesangano iri vachiti kurwisa chirwere ichi kunoda mushandirapamwe.

“Hondo takairwa tikakunda nyika ikawana kuzvitonga kuzere, zvino nhasi tine hondo yekurwisa chirwere chiri kuuraya nekurwarisa vanhu ichi. Tinoti nguva yakwana yekuti munhu wose azive paamire, tinobaiwa tose nhomba dzekudzivirira denda iri kuitira kuti risatiparadze,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanopa muenzaniso wezvirwere zvakaita semaperembudzi nechemhezi izvo zvavanoti nyika yakaita chirwirangwe pasina akasarira kumashure matenda aya akakurirwa.

“Hatidi kuramba tichipera kufa nechirwere chatiri kupihwa mukana wekuti tibaiwe majekiseni ekuzvidzivirira uye anotovako,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 ayo anosanganisira kuti vagare vakapfeka mamasiki, kusangofamba zvisina tsarukano uye nekusaita chitsokotsoko.

“Tiri kufambisa mashoko kunhengo dzedu dzose tichishandisa nhare nedzimwe nzira dzakasiyana kuti vaende vanobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19,” vanodaro Cde Chakanyuka.

“Hatidi kuramba tichirasikirwa neupenyu hwevanhu nekuda kwechirwere chanetsa ichi. Hatiendei tinobaiwa tose nhomba dzekudzivirira sekurudziro yatinopihwa nanamazvikokota vezveutano. Nyika inotida nekuti tine basa rekuishandira kuti ibudirire,” vanodaro.

Cde Chakanyuka vanoti majekiseni ekudzivirira Covid-19 haana kumbosiyana nemamwe aivepo kare anosanganisira ekudzivirira polio.

“Ini ndakatobaiwa majekiseni aya. Tinofara nemashoko ari kubuda evanhu vari kuenda kuzvipatara nekumwe kwakasiyana vachinobaiwa  vakawanda,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey