Imba yakauraya vanhu 4

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VANHU vana vemhuri imwe chete vakafa, vamwe vatatu ndokukuvara, apo imba yavainge varere yakadhirika nekuda kwemvura iri kunaya mubhuku raChidawa kwaMambo Nyajina, kuUzumba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti imba iyi, yaMai Fadzisai Florence Chikuyeni (58), yainge irere vanhu vanomwe apo yakadhirika zvichitevera kunaya kwemvura zvakanyanya.

Tsaona iyi inonzi yakaitika nenguva dza6:30 mangwanani nemusi wa11 Kukadzi.

“Semapurisa, tine mashoko anosuwisa emba yakadhirika kuMutawatawa ikakuvadza nekuuraya vamwe. Hatizive zvedu mavakirwo aiva akaitwa imba iyi asi tinoti misha ngaivakwe zvakasimba kuti isazokonzera tsaona dzakadai,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Vakashaika munjodzi iyi ndiMai Chikuyeni, Ngonidzashe Kulambandewo (4), Precious Kulambandewo (2) naRutendo Madande (7).

Vamwe vatatu vaive varere mumba umu – Alouis Kulambandewo (7) Blessing Kulambandewo (13) naRachel Kulambandewo (11) – vakapona apo vakanunurwa nevavakidzani.

Vatatu ava vakaendeswa kuchipatara cheMutawatawa uko vakanorapwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>