Uncategorized

Imba yemuporofita yava chipatara

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

MUPOROFITA wechidzimai weJohane Marange kuGlen View 1, muHarare, akasandura imba yake achiita chipatara chekusunungukira vanhukadzi vanenge vakazvitakura.
Maitiro aya atambirwa nepakasiyana-siyana nevagari vemunzvimbo iyi. Apo vamwe vanhu vari kufara vachiti muporofita uyu ari kurerutsa dambudziko kumadzimai anenge akazvitakura, vamwewo vari kutsutsumwa kuti pamba apa hapana kukodzera kuitirwa mabasa aya sezvo zviine njodzi yekuti panogona kunyuka zvirwere nekuda kwehuchapa hwavari kuona.

Mai Rodah Chibwe Padzamuka (50), vepanhamba 576/18th Crescent, vave kuzivikanwa nekubatsira vanhukadzi vane pamiviri, vangave vemuchechi yavo kana avo vasingapinde kereke yavo. Mudzimai uyu, uyo anova shirikadzi, anoti akaberekerwa muchechi iyi apo akazobatwawo nemweya mutsvene ndokutanga kuporofita pamwe nekupihwa chipo chehunyamukuta.

Muhurukuro navo, Mai Padzamuka vairatidza kuti havana ruzivo nezvenjodzi iripo pakuita basa iri vasina magwaro ebasa nezvimwe zvinodiwa.

“Ndinosunungutsa madzimai pachena izvo zvinoita kuti pamba pangu pagare pakazara madzimai akazvitakura.

Vanouya nematende avo avanogara kunze kwemba, kudya nezvimwe zvekushandisa zvakaita sesipo. Chavo kugeza nekugara chete, mweya mutsvene uchiita basa rawo rekuvasunungutsa nekuita kuti vana vagare zvakanaka mudumbu dakara pavanozvarwa,” vakadaro. Pakashanyirwa Mai Padzamuka svondo rapera vakati vainge vasunungutsa madzimai mashanu eGlen View pasina muripo.

“Anenge achida kundipa chipo anouya oga ondipa zvaanoda pasina kuchaja.”  Vanoti panguva imwe chete pamba pavo panogona kugara madzimai akazvitakura anodarika 20.

“Pane imwe nguva yekuti ndinosunungutsa madzimai maviri kana vatatu pazuva,” vakadaro.

Dambudziko riri pamba apa kushaikwa kwechimbuzi cheruzhinji nepekugezera panokwana vanhu vakawanda izvo zvinoita kuti vanoendapo vaite mutsetse vachimirirana.

“Chimbuzi changu chidiki zvakare ndimo munogezera madzimai aya uye pane vamwe vanouya nevarume vavo vachigara pano. Ndine vanakomanawo pano nemukuwasha saka ndinotsvagawo mari yekuvakisa zvimbuzi nedzimba dzekugezera kubva kuruzhinji,” vakadaro.

Kuburikidza nebasa ravo iri, vanoti vakatomboshanyirwa nasister-in-charge weGlen View Poly Clinic vakakurudzirwa kuti vavake zvimbuzi nedzimba dzekugezera.

“Vakandikurudzira kuti ndinoitawo zvidzidzo zvananyamukuta kuti ndikwanise kuita basa rangu zvakanaka.

Vakanditiwo ndishandise magirovhosi nekuvhara muromo nemhuno panguva yandinenge ndichisunungutsa madzimai,” vakadaro Madzimai Padzamuka. Panyaya yekuti kune mamwe madzimai anogona kutadza kusununguka zvakanaka, vakati vanovaendesa pakiriniki yeGlen View nekuchipatara cheHarare Central Hospital nemota dzekuhaya. Vakaramba nyaya yekuti kune vamwe vanhu vari kufira pamba pavo panguva yekusunungutswa.

Pakashanyirwa pamba pemudzimai uyu paingova nemadzimai maviri chete vaive vakamirira kubatsirwa vaiti Mai Martha Muchatuta Mushayavanhu (21) naMai Peplexity Mazarira Tekere (18), avo vose vaive nepamuviri pakange pasvitsa mwedzi mipfumbamwe.

Madzimai Padzamuka vakati pamba pavo painge pasina madzimai akawanda sezvo vamwe vaiva kumusangano mukuru wechechi iyi kuManicaland.

Mukuwasha waMai Padzamuka, Elliot Mutambara (36), anoti vana vake vaviri vakasunungutswa naambuya vake ava pasina dambudziko. Imba yemuporofita uyu ine dzimba nomwe.

“Dzimwe nguva kana zvichinge zvanyanya kuoma, madzimai aya ndinovaendesa kune vamwe vanambuya vanondikunda muchechi medu. Chakanakira chechi yedu unotaurirwa pamweya kana usingazvikwanise wobva warega.”

Vanoti kana mudzimai achipomera murume wake nhumbu isiri yake kana kuti akaita cheupombwe, anotofanirwa kutanga areurura asati asununguka.

“Kana mweya wataura zvawataura iye akaramba kureurura ini handimusunungutse nekuti anogona kufa kana kuuraisa mwana,” vakadaro.

Madzimai Padzamuka vanoti vakatanga kuita basa rehunyamukuta mugore ra2004 mushure mekushaika kwemurume wavo muna 2003.

Zvikadaro, mumwe chiremba wepachipatara cheHarare Central Hospital, uyo asina kuda kudurwa nezita, akati zviri kuitwa nemuporofita uyu hazvisi pamutemo uye zvinogona kumusungisa.

Share This:

Sponsored Links