Imbai nziyo dzerudo: Dee Swag

14 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Imbai nziyo dzerudo: Dee Swag Dee Swag

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Pop – Dumisani Dube – uyo vazhinji vanonyanya kuziva saDee Swag, anoti zvakakosha kuti vaimbi vaimbe nziyo dzerudo pamwe nekuparidza shoko rekubatana kuitira kuti munharaunda mugare muine runyararo.

Dee Swag mumwe wevari kusimukira mumusambo uyu izvo zvamuona achishanda nevaimbi vakasiyana nekuvabatsira kubika mavhidhiyo avo.

Anoti mhanzi chombo chakasimba chinogona kubatanidza kana kuputsa vanhu nekudaro vaimbi vanofanirwa kuchishandisa zvine hungwaru nekuimba nziyo dzerudo dzinovaka.

“Ini nziyo dzangu ndedzerudo chete nekuti rudo chinhu chakanaka. Saka vaimbi ngative vanhu vanovaka chete, kwete kuputsa nekuti tikaputsa tinenge takanganisa zvikuru.

“Tinoda rudo pakugarisana, tinoda rudo rwemudzimba rugare ruripo uye tinoda rudo kwese kwatinoenda. Saka ngatiparidze rudo nguva dzose,” anodaro.

Dee Swag

Dee Swag akatanga zvekuimba achiri kuita zvidzidzo zvepuraimari uye mhanzi yake zhinji izere padandemutande reYouTube, paMyoozika nepadandemutande reSocial Media.

Anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinoti Farai maZimbabweans naZadzisa.

Anoti mumakore mashanu anotevera, anoshuvira kunge asvika padanho revaimbi vane mukurumbira vakaita saJah Prayzah, Diamond Platinumz wekuTanzania naDavido

Share This:

Sponsored Links