Imbodya howa nemupunga

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Imbodya howa nemupunga Howa

Kwayedza

HOWA usavi hunodiwa nevakawanda uye kudya kune mapuroteni ayo anodiwa pakuvaka muviri nekubatsira mukudzivirira zvirwere.

Svondo rino Tamuka Nyamweda wekuMhondoro anotsanangudza mamwe mabikirwo ehowa.

Zvinodiwa:

◆ Howa hwemhando yaunoda

◆ munyu

◆ matomatisi

◆ chikari, hanyanisi

◆ godzamuto rehowa (mushroom soup)

◆ Garlic.

Mabikiro:

◆ Geza howa huchene.

◆ Isa muchikari, woisa makomichi maviri emvura.

◆ Siya hukwate kusvika hwaibva. Isa mafuta wokanga.

◆ Chekerera hanyanisi, matomatisi pamwechete negarlic.

◆ Isa munyu wakaringana woramba uchikanga.

◆ Kana zvatsvukira, chiisa godzamuto rehowa kuti usare uine muto wakakorera.

Wozodii?

Chibura unakirwe zvako nemhuri! Howa hunodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde. Vamwe vanodya nemupunga.

Asika, musatenge howa hwemumikoto kana mumigwagwa nekuti munogona kutengeserwa makorwa mukafa.

Tengai muzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

 

◆◆◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links