Imbodya sadza nehove

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Imbodya sadza nehove Hove

Kwayedza

HOVE husavi hwakanaka zvikuru, huri nyore kubika uye dziine kudya kunovaka muviri semaputoteni. Svondo rino Moreblessing Chekero wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangurira mamwe mabikirwo ehove.

Zvinodiwa:
Hove nyoro, munyu, mafuta, hanyanisi, pani nechipunu.

Mabikiro:
Para hove dzibve makwati ese.
Dzitumbure ubvise matumbu ese.
Dzigeze dzichene, wodzimwaya munyu nemasipaisi aunoda.
Zorera mafuta mashoma mupani woisa hove imomo.
Chidziisa muhovheni uchipota uchipindura kuti dzisatsva.
Kana dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukira uye dzinenge dzisingachabude mvura.
Chibura wozobika muto kana kuti supu padivi.
Usakanganwa kuisawo twumuriwo twemashizha parutivi.
Hove dzinodyiwa nesadza remhunga, rezviyo, remapfunde kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey