Imbodya sadza nemutetenerwa

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Imbodya sadza nemutetenerwa Mutetenerwa wenzungu

Kwayedza

Zvirimugapu,Muchaneta Chimuka

MUTETENHERWA wenzungu kudya kunokurudzirwa kubvira pasichigare nekuti kudya kune mapuroteni akawanda uye iron.

Svondo rino Chiedza Vavarirai anogara kuMarondera anotsanangudza mamwe makangirwo emutetenerwa wenzungu.

Zvinodiwa:

Nzungu dzakamenywa uye dzakaoma, munyu, mvura yakachena, pani nemugoti

Makangiro:

Sarudza nzungu ubvise dzakaora.

Isa nzungu dzakanaka mupani ukange uchishandisa mugoti kana chipunu pakudzipindura.

Kana dzatsvukirira, tora mvura nemunyu wosanganisa.

Dira mvura ine munyu munzungu wokanga kusvika zvaoma.

Wozodii?

Chibura upakure. Mutetenherwa wenzungu unodyiwa nesadza remhando yose asi vamwe vanodya wakadaro uye uku kudya kweparwendo. Usakanganwa kunwa mvura uchiseredzera.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey