Kwayedza
Zviri mugapu naMuchaneta Chimuka
Nyanzvi dzezveutano dzi- nokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.
Svondo rino Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanodon- ongodza mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.
Zvinodiwa:
Makomichi matatu enyemba, mafuta, dovi, munyu, mugoti nem- vura.
Mabikiro:
Kanga nyemba, wodzibvisa marara ose nekudzipepeta.
Kuya nyemba paguyo rakachena kusvika dzaita zvidimbu zvidiki.
Unogona zvakare kudzitswa muduri.
Fashaidza zvawakuya zviye muhari.
Isa twumafuta twusoma kuti zvi- satsviririre nechepasi.
Chiisa munyu wokurungira dovi kana zvichinge zvaibva.
Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.
Kana dovi nerupiza zvanyatsosan- gana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.
Wozodii?
Kana zvadai, chingwarira kuz- viruma rurimi nekunakirwa.
Kare vamwe vaidya rupiza nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro.
Sunungukai kutumira zva- munoda kuti zvibude pachi- rongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281