Imbodya sadza nerupiza

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views
Imbodya sadza nerupiza Rupiza

Kwayedza

Zviri mugapu naMuchaneta Chimuka

Nyanzvi dzezveutano dzi- nokurudzira veruzhinji kudya chikafu chechivanhu chakaita serupiza icho chinonzi chakakosha zvikuru pakuvaka muviri.

Svondo rino Mbuya Mako Mulilo vekuBikita, kuMasvingo, vanodon- ongodza mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Makomichi matatu enyemba, mafuta, dovi, munyu, mugoti nem- vura.

Mabikiro:

Kanga nyemba, wodzibvisa marara ose nekudzipepeta.

Kuya nyemba paguyo rakachena kusvika dzaita zvidimbu zvidiki.

Unogona zvakare kudzitswa muduri.

Fashaidza zvawakuya zviye muhari.

Isa twumafuta twusoma kuti zvi- satsviririre nechepasi.

Chiisa munyu wokurungira dovi kana zvichinge zvaibva.

Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.

Kana dovi nerupiza zvanyatsosan- gana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, chingwarira kuz- viruma rurimi nekunakirwa.

Kare vamwe vaidya rupiza nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro.

Sunungukai kutumira zva- munoda kuti zvibude pachi- rongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links