Imbonzwa kunaka kwemazondo emombe

13 Dec, 2022 - 18:12 0 Views
Imbonzwa kunaka kwemazondo emombe Mazondo emombe akabikwa.

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

Muchaneta Chimuka

NYAMA yemazondo emombe inofarirwa nevanhurume pamwe nevanhukadzi zvakanyanya, zvikuru pazororo rave kusvika reKirisimasi iri apo vamwe vanoadya vakatandara zvavo nehama neshamwari.

Svondo rino Tinashe Jakarasi wekuMhondoro anotsanangudza mamwe mabikirwo emazondo.

Zvinodiwa:

Poto, chikari, mugoti, chipunu, mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka.

Mabikiro:

Tora mazondo wosuka nemvura inopisa kuti anyatsochena.

Gadza chikari kana poto pamoto, isa mvura yakawanda wokanda mazondo ose imomo.

Kwidibira zvombokwata kwemaawa mashanu muchipamidzira mvura nekupindura-pindura kuti asatsve.

Kane ave kubva pabvupa, anenge aibva zvakanaka.

Isa munyu wakafanira.

Munogona kuadya nesadza rezviyo kana nemupunga mutsvuku wemudoro.

Usavi uhu hunochengetedza mabhonzo emuviri kuti agare akasimba.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: + 263 773394753 kana kuti +263 713411281.

Share This:

Sponsored Links