Imbonzwa kunaka kwerupiza

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Imbonzwa kunaka kwerupiza Rupiza

Kwayedza

RUPIZA kudya kwakabvira pasichigare uye kune mapuroteni awakanda ayo anoita kuti muviri ugare wakagwinya.

Svondo rino Rebecca Mulilo wekuChiredzi anotsanangura mamwe mabikirwo erupiza.

Zvinodiwa:

Nyemba, mvura, munyu, chikari, dovi nemafuta

Mabikiro:

Kanga nyemba kusvikira dzatsvukira.

Dzikuye dzisare dzakaita zvipande.

Ngadzisasare dzakaita upfu nekuti dzinozotsva pakubika. Pepeta ubvise magufu netwumarara kana twumatombo.

Nyika nyemba mumvura husiku hwese kana kuti kwemaawa masere.

Nyurura nyemba mumvura woisa muchikari wogadza pamoto kweawa rimwe chete. Isa munyu netwumafuta twushoma kuti dzisatsvire nechepasi.

Isa zvipunu zviviri zvedovi womona nemugoti.

Wozodii?

Rupiza kudya kusina mafuta akawanda uye kunofarirwa nevanhu vemarudzi akasiyana. Rwunodyiwa rwakadaro asi usakanganwe komichi yemvura kana maheu parutivi nekuti unogona kudzipwa.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links