Imbozvitora selfie yemwoyo wako

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
TOSE tine zvinhu zvinotifadza zvakanyanyisa zvekuti zvinhu izvozvo zvinogona kutipedzera nguva, kutipa misodzi, kana kutotiita setinopenga. Kune vanofadzwa nemimhanzi zvekuti vakatanga kutamba vanenge vachakwachuka gumbo vakasazvinzwa kuti radambuka.

Vanotsika pasi zvekuti kana danga rembizi dziri kutiza shumba hadzisvike.
Ndine shamwari yangu inoda bhora zvekuti ndinofunga kuti kana achisvinyanga misuva yesadza anenge achiona yakafanana nebhora. Ndinofunga kuti paanoseva musuva achiukanda mukanwa, anenge achamboregera kudya achishevedzera kuti goooo bhora!

Ko iwe chii chinokufadza zvekuti nyangwe foni ikarira unogona kuishayira nguva? Chii chinokupa kuti kana wakagara unonzwa pfungwa dzako dzave kungoenda ikoko?

Vamwe vanoputirwa nerudo zvekuti musi wavanorambwa vanobva vafa. Vamwe vanofadzwa zvakanyanyisa nebasa ravanoita zvekuti kana hama nemhuri dzavo dzinobva dzafanana nehuswa hwakasungwa munzira yavari kufamba.

Vamwe vakaita semuzukuru wangu vanofadzwa zvakanyanyisa ne… ummm ndichambofunga, nekuti handizive kuti muzukuru wangu anofadzwa nebhawa here kana kuti nedoro. Asi zvese anozvifarira zvekuti dai zvaibvira aingogara achirara zvake ikoko.

Ini ndinofadzwa neshoko raMwari zvekuti ndakamboudza muzukuru wangu anoda bhawa nedoro kuti shoko raMwari ndiro bhawa nedoro rangu. Chinondipa manyukunyuku ishoko raMwari rinoti, “Farikana kwazvo kuna Jehovha, iye agokupa zvinodikanwa nemwoyo wako.”

Nemamwe mashoko, Mapisarema 37:4 iri kuti, “Fadzwa zvekuita benzi munaJehovha, iye agokupa zvinodiwa nemwoyo wako.”

Kwekufarira nezvinofadza hazvipere, zvinongoramba zvichigadzirwa, asi vanhu nemari ndivo vanopera. Kufadzwa nedoro, neZimdancehall, nemaDrugs, nemabhebhi nekuwayina zvinopera. Vanobika doro vanongoramba vachibika kuti vatore mari nehutano hwako.

Hapana chinhu chinofadza sekuudzwa zvawanga usingazive nemunhu ari kuziva. Zvinofadza nyanyest kana Mwari pachezvavo vachikutipira waiziva. Kune hama dzangu dzinoda zvinhu, Mwari vari kuti ukafadzwa navo zvekuita benzi ravo vanokupa zvaunorwarira.

Kufadzwa naMwari kupinda muzvinhu zvaMwari semupindiro unoita shinda mutsono, zvekuti pese panopinda tsono, shinda inenge ichitevera mumashure. Kufadzwa naMwari kuramba kuti muviri wako ukurambidze kumutambira, kumuimbira kana kumushandira.

Kufadzwa naJehovha kusaona kureba kwenguva yawapedza uchiita zvinhu zvaMwari kana kuneteswa nazvo. Dai kutexta kuri kunamata, tingadai takashanyirwa nengirozi.

Kufarikana kwazvo kuna Jehovha hakusi kusekerera kuye kwatinoita pamaSelfie. Kufarikana kwazvo muna Jehovha kwakafanana nekuvhurira huku mangwanani.

Hadzibude muzumbu dzichifamba sekamba, asi dzinobuda dzichifunga kuti dzinogona kubhururuka seshiri. Vanomirira Jehovha vanopihwa simba idzva.

Mwari vanoda kudiwa nekuti ndivo vakatanga nerudo. Mwari vanoda kuti newewo ugovati mudiwa wavo kudarika munhu waunodisisa. Ndizvo chaizvo zvandakaitwa nemuzukuru wangu Chipo paakanditumira shoko rekuti “Makorokoto egoredzva sekuru vangu, mudiwa wangu.”

Kuudzwa kuti unodiwa kunopengesa zvekuti iwe wacho uri kupengeswa nerudo unoona vanhu vese vari kukurambidza kupengeswa nerudo sevanopenga.

Kana ukafadzwa zvekuita benzi raMwari, hauzomboda Mwari zvekuda muporofita kana zvekutsvaga kuonekwa nevanhu kuti wakaropafadzwa newivhi, nenzara dzekunamira, iPhone, Gucci sunglasses uchifamba neAutomatic ex-Japanese mota.

Zvinodikanwa nemwoyo wemunhu anofara zvakanyanyisa muna Jehovha kufadza Jehovha, kwete kufadza nyama nekuizora make-up yeBlack Opal kusvikira ganda radhakwa.

Kudhakwa kwese kuchangozopera nekuti chese chadyiwa chichazongobuda neimwe nzira.
Fadzwa zvako nezvinokufadza, asi imbopawo Mwari chanzi yekuti uvafadze kwete nebhegi, asi nemwoyo uri pachokwadi chaipo. Imbozvitora selfie yemwoyo wako utumire Mwari isina kufiltwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>