IMBWA HAIHUKURE SADZA: Vanofinhura, isu hatifinhurwe zvekumhanya

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

Kune vanhu vane chipo chekubhohwa zvekuti unonzwa kuti dai vari gararwa riri pahuro, wairikarara, worisvipa, wobva waritsokodzera muvhu.

Ndakanga ndiri kuMbare ndichida kutenga mapadza. Chinonetsera kuMbare ndechekuti vanhu veko vanoona munhu wese seangangoda kutenga nyangwe nezvaasiri kuda. Ivowo vachizviita kuti vanogona kukutengesera zvausiri kuda nekuti kana vachinge vatanga kukutevera, vanokutevera nemukonyo unenge wenhunzi yanzwa pane tsvina.

KuMbare ikoko ndakateverwa nemumwe murume akanga aziva kuti ndiri kutsvaga vanhu vanoita zvemapadza. Ini ndichienda kwandakanga ndaona mapadza andaida, murume uye akabva amhanya kumuridzi wemapadza, achibva atotanga kumuudza kuti mudhara vari kuda mapadza, vape mapadza akadai neakadai.

Ndakagumbuka ndikaudza murume uye kuti asiyane nekunditungamirira zvese nekunditaurira sekunonzi handigone kuzvitaurira. Asi vamwe vanhu vekuMbare havateerere senhunzi inoramba ichingodzoka nyangwe ukainina. Chikonzero ndechekuti vanhu vanotengesera kuMbare vanorarama nekumanikidzira zvavanoda ivo kuti zviitike.

Murume uye akaramba achingotaura, “Yaa, vapei badza iro neiro. Mudhara vafunga zvekunorima saka vanoda mapadza chaiwo. Mudhara, iro ndiro badza chairo revarimi.”

Murume uyu akanga adarikidza mwero zvekuti ndakaita zvandisingawanzoita.

Ndakafamba ndichienda kwaari, ndichibva ndamutarisa kumeso ndikati, “Babamunini, mave kuzondishatirisa nekuita kwenyu. Hamugone here kusiya vanhu vachitenga zvavanoda musingapindire nekungotaura. Muri kuziva here kuti ndiri kuda mapadza mangani? Muri kuziva kuti ndine mari yakawanda sei muhomwe mangu? Akuudzai kuti handizive mhando yebadza randiri kuda ndiani? Zvamunoita izvi zvinodzinga vanhu vanoda kutenga.”

Muridzi wemapadza haana chaakataura, akanga akangonyarara achitambidza murume uye mapadza aainge anongedzera. Ndakabva ndaudza muridzi wemapadza kuti, “Chitengesera iyeyu asingaremekedze vanhu nekuti ndiye ane munda uri kuda kunoshandiswa mapadza iwaya, ini ndave kuenda.”

Zvechokwadi ndakabva ndafamba ndichienda kunotsvaga kumwe kwekutenga mapadza murunyararo.

Murume uye wekundifudza akabva ati, “Ko matotsamwa mudhara?”

Akabva ati kumuridzi wemapadza, “Chibaba hasha dzawanda munyika muno. Yaa, chokwadi hameno zviri kuitika munyika zviri kukonzera kuti vanhu vaite hasha.”

Dziripo nguva dzekuti unozoti wabva panzvimbo, kana kuti wataura mashoko awataura, wozoona kuti waita zvawanga usingafanire kuita.

Ndafungiswa nyaya yekuMbare iyi neshoko riri kuna VaEfeso rinoti, “Zvininipisei zvachose, uye muve vanyoro; ivai nemwoyo murefu, uye muchiitira rudo vaye vangade kukugumburai.”

Mashoko aya andiita kuti ndifunge kuti ndicho chikonzero chinoita kuti vanhu vati zvakaoma sekunamata. Kunamata kana kuti kuve muKristu kunoreva kurega kuita zvaunoda iwe semunhu, uchiita zvinonzi naMwari uite.

Ndakanga ndisingafanire kugumbuka nekuita chiramwa kuMbare nekuti handigare kuMbare, asi ndakanga ndangodarikawo neko. Ndakanga ndisiri kuzoenda kumba kwangu nemurume chigashiravaeni akanga achitaurisa uyu.

Kuzvininipisa chinhu chinonetsa kwazvo muhupenyu hwatiri kurarama. Kuzvininipisa kunoreva kuti hasha dzako kana kusvotwa kwako hakuna kukosha kudarika Mwari vanotiudza kuti tive nerudo nemwoyo murefu.

Mwari vanotidzidzisawo kuti tive vanyoro. Kana uri munyoro haufambe mbiri yebvepfe, kubvondora vamwe nekutenga nyaya nedzisiri dzako. Unofanira kuziva kuti Jesu akatotenga nyaya dzako kuti iwe urege kuramba uchinzi nevanokuziva, “Shevedzai Mai Two, vamugadzirire saizi.”

Paakanga ari panyika, Jesu akanga ane simba risingaite, asi akabvuma kupfekedzwa ngundu yeminzwa. Kana masangana nevanofinhura nekuwachisa vamwe, varatidzei kuti hamufinhurwe zvekumhanya.

Share This:

Sponsored Links