
MUNYAYA inosuwisa, iyo yakaitika kuDomborembizi kunze kwedhorobha reRusape, imbwa yakaonekwa ichidya dehenya remusoro wemunhu pane mumwe musha.
Izvi zvakaita kuti matikitivha echikamu cheCriminal Investigations Department (CID) Homicide Unit vakaziviswe uye tsvakurudzo yakadzama yakaitwa musango raive pedyo ndokuwanikwa dzimwe nhengo dzemuviri wemunhu dzaive dzatowora.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti dehenya raidyiwa nembwa iri nderaMilton Makondo (73) uyo akanga ave nemazuva akawanda asingazivikanwe kwaari.
Asst Insp Chinyoka vanoti ongororo yakaitwa yakaona pachiwanikwa zvekare mbatya dzaive dzakapfekwa nemushakabvu.
Vanoti mapurisa akasecha nzvimbo iyi asi akatadza kuwana humwe humbowo hunogona kujekesa nyaya yerufu rwaMilton Makondo.
“Musi wa14 Ndira 2025, ndipo apo Milton Makondo akapedzisira kuonekwa nemwanakomana wake, Pearson Makondo (38), wemuVillage 51 kwaNemaire, kunze kweRusape, apo aigara ega pamba pake. Nomusi wa3 Kukadzi 2025 nenguva dza9 mangwanani, Kudakwashe Majarira (32) wemuVillage 32 kuDomborembizi akawana imbwa yake ichidya musoro wemunhu pamba pake. Akadaidza vatungamiriri venzvimbo nevagari vemumusha, kusanganisira Pearson, uyo akabva angoziva dehenya iri kuti nderababa vake. Pearson akazomhan’ara kumapurisa ekuRusape Rural Police Station ayo pamwechete neveCID vakauya panzvimbo iyi kuzoferefeta nyaya iyi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
“Mapurisa neveruzhinji vakazoongorora nzvimbo iyi zvakazoita kuti pawanikwe mapfupa emunhu akanga aora pamwechete nembatya dzemufi. Mwana wemushakabvu akati mbatya idzi ndedzaMilton Makondo. Pakanga pasina zviratidzo zvekurwa panzvimbo iyi. Mapurisa akatora mutumbi uyu ndokuendeswa kuchipatara cheRusape General Hospital kunoongororwa,” vanodaro.
Asst Insp Chinyoka vanoti mapurisa ari kusimbaradza kuferefetwa kwenyaya iyi nechinangwa chekuti vazive firo yemusharukwa uyu. – The Manica Post